|
| 1 |
|
| Zvino ini, hama dzangu, pakuvuya kwangu kwamuri, handina kuvuya ndichikuparidzirai vuchapupu bwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kovuchenjeri. |
|
| 2 |
|
| Nokuti ndakati, handingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroverwa pamuchinjikwa. |
|
| 3 |
|
| Ndakanga ndiri pakati penyu novutera, nokutya, nokudedera kukuru, |
|
| 4 |
|
| neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ovuchenjeri; hwavanhu asi nokuratidza koMweya nokwesimba; |
|
| 5 |
|
| kuti kutenda kwenyu kurege kuva muvuchenjeri bwavanhu, asi musimba raMwari. |
|
| 6 |
|
| Zvino tinotaura vuchenjeri pakati pavakakwana; asi vuchenjeri bwusati bwuri bwenyika ino, kana bwavabati venyika ino vanoshaiswa simba. |
|
| 7 |
|
| Asi tinotaura vuchenjeri bwaMwari bwakavanzika, bwakafukidzwa, bwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo; |
|
| 8 |
|
| bwusina kuzivikamwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaibwuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. |
|
| 9 |
|
| Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda. |
|
| 10 |
|
| Nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwatiri isu noMweya; nokuti Mweya unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari. |
|
| 11 |
|
| Nokuti munhu ndoupiko unoziva zvomunhu, asi mweya womunhu, uri maari? Saizvozvo hakunomunhu unoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari. |
|
| 12 |
|
| Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kunaMwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari. |
|
| 13 |
|
| Ndizvo zvatinotauravo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa novuchenjeri bwomunhu, asi anodzidziswa noMweya mutsvene; tichidudzira zvinhu zvoMweya kuvanhu voMweya. |
|
| 14 |
|
| Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti vupenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa noMweya. |
|
| 15 |
|
| Asi uri woMweya unonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu. |
|
| 16 |
|
| Nokuti ndianiko wakaziva murangariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomurangariro waKristu. |
|
|
|
|