|
| 1 |
|
| Ɀino ini, hama dzaŋgu, pakuʋuya kwaŋgu kwamuri, handina‐kuʋuya ndicikuparidzirai ʋucapupu bgaMŋari nokunaka kwamashoko, kana kwoʋucenjeri. |
|
| 2 |
|
| Nokuti ndakati, handiŋgaziʋi cinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroʋerwa pamucinjikwa. |
|
| 3 |
|
| Ndakaŋga ndiri pakati penyu noʋutera, nokutya, nokuɗeɗera kukuru, |
|
| 4 |
|
| neshoko raŋgu nokuparidza kwaŋgu haɀizaiʋa namashoko okugombedzera oʋucenjeri; asi nokuratidza kwoMŋeya nokwesimba; |
|
| 5 |
|
| kuti kutenda kwenyu kurege kuʋa muʋucenjeri bgaʋanhu, asi musimba raMŋari. |
|
| 6 |
|
| Ɀino tinotaura ʋucenjeri pakati paʋakakura; asi ʋucenjeri bgusati bguri bgenyika ino, kana bgaʋaɓati ʋenyika ino ʋanoshaiswa simba. |
|
| 7 |
|
| Asi tinotaura ʋucenjeri bgaMŋari bgakaʋanzika, bgakafukidzwa, bgakatemerwa kubginya kweɗu naMŋari, nyika isati yaʋa’po; |
|
| 8 |
|
| bgusina‐kuzikanwa nomumŋe waʋaɓati ʋenyika ino; nokuti ɗai ʋaibguziʋa, ʋaŋgaɗai ʋaisaroʋera Ishe wokubginya pamucinjikwa. |
|
| 9 |
|
| Asi seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Iɀo ɀisina‐kuʋonekwa neziso, kana kunzwika nenzeʋe, Neɀisina‐kupinda mumŋoyo womunhu, Ndiɀo Mŋari ɀaakagadzirira ʋanomuɗa. |
|
| 10 |
|
| Nokuti Mŋari wakaɀiratidza iɀo kwatiri isu noMŋeya; nokuti Mŋeya unonɀera ɀose, neɀakadzika ɀaMŋari. |
|
| 11 |
|
| Nokuti munhu ndoupiko unoziʋa ɀomunhu, asi mŋeya womunhu uri maari? Saiɀoɀo hakunomunhu unoziʋa ɀaMŋari, asi Mŋeya waMŋari. |
|
| 12 |
|
| Ɀino isu hatina‐kugamucira mŋeya wenyika, asi Mŋeya unobva kunaMŋari; kuti tiziʋe iɀo ɀatakaŋgopiwa heɗu naMŋari. |
|
| 13 |
|
| Ndiɀo ɀatinotaura ʋo, tisiŋgatauri namashoko a ti nodzidziswa noʋucenjeri bgomunhu, asi anodzidziswa noMŋeya; ticiɗudzira ɀinhu ɀoMŋeya kuʋanhu ʋoMŋeya. |
|
| 14 |
|
| Ɀino munhu seɀaakaɓerekwa haagamuciri ɀinhu ɀoMŋeya waMŋari; nokuti ʋupenzi kwaari; haaɀinzwisisi, nokuti ɀinonzwisiswa noMŋeya. |
|
| 15 |
|
| Asi uri woMŋeya unonzwisisa ɀose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu. |
|
| 16 |
|
| Nokuti ndianiko wakaziʋa muraŋgariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomuraŋgariro waKristu. |
|
|
|
|