|
| 1 |
|
| Zvino ini, hama dzangu, pakuuya kwangu kwamuri, handina kuuya ndichikuparidzirai uchapupu hwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kwouchenjeri. |
|
| 2 |
|
| Nokuti ndakati, handingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu iye akaroverwa pamuchinjikwa. |
|
| 3 |
|
| Ndakanga ndiri pakati penyu noutera, nokutya, nokudedera kukuru, |
|
| 4 |
|
| neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ouchenjeri; asi nokuratidza kwoMweya nokwesimba; |
|
| 5 |
|
| kuti kutenda kwenyu kurege kuva muuchenjeri hwavanhu, asi musimba raMwari. |
|
| 6 |
|
| Zvino tinotaura uchenjeri pakati pavakakura; asi uchenjeri husati huri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vanoshayiswa simba. |
|
| 7 |
|
| Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, hwakafukidzwa, hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo; |
|
| 8 |
|
| husina kuzikanwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaihuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. |
|
| 9 |
|
| Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Izvo zvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumwoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.” |
|
| 10 |
|
| Nokuti Mwari akazviratidza izvo kwatiri isu naMweya; nokuti Mweya anonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari. |
|
| 11 |
|
| Nokuti munhu ndoupiko anoziva zvomunhu, asi mweya womunhu uri maari? Saizvozvo hukuna munhu anoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari. |
|
| 12 |
|
| Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari. |
|
| 13 |
|
| Ndizvo zvatinotaurawo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwomunhu, asi anodzidziswa naMweya; tichidudzira zvinhu zvoMweya kuvanhu voMweya. |
|
| 14 |
|
| Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti upenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa naMweya. |
|
| 15 |
|
| Asi ari woMweya anonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu. |
|
| 16 |
|
| Nokuti, “Ndianiko akaziva murangariro waIshe, kuti amudzidzise?” Asi isu tinomurangariro waKristu. |
|
|
|
|