|
| 1 |
|
| Ini, hama dzangu, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi sokuna voMweya, asi sokuna venyama, sokuna vacheche muna Kristu. |
|
| 2 |
|
| Ndakakupai mukaka munwe, handina kukupai zvokudya; nokuti makanga musingagoni kudya, nazvino hamugoni. |
|
| 3 |
|
| Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutoo wavanhu here? |
|
| 4 |
|
| Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro;” mumwe, “Ini ndiri waAporo;” ko hamuzi vanhu here? |
|
| 5 |
|
| Zvino Aporo Chiiko? Pauro Chiiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naIshe. |
|
| 6 |
|
| Ini ndakasima, Aporo akadiridza; asi Mwari akameresa. |
|
| 7 |
|
| Naizvozvo anosima haazi chinhu, kana anodiridza; asi Mwari anomeresa. |
|
| 8 |
|
| Zvino anosima noanodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe achapiwa mubairo wake, sezvaakabata basa. |
|
| 9 |
|
| Nokuti tiri vabati pamwechete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari. |
|
| 10 |
|
| Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera; mumwe anovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro padzo. |
|
| 11 |
|
| Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu. |
|
| 12 |
|
| Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana sirivha, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga; |
|
| 13 |
|
| basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomoto; moto uchaedza basa romumwe nomumwe kuti rakadini. |
|
| 14 |
|
| Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, achapiwa mubairo. |
|
| 15 |
|
| Kana basa romunhu rikapiswa, ucharasikirwa, asi iye amene achaponeswa, asi soakabuda pamoto. |
|
| 16 |
|
| Ko hamuzivi kuti muri temberi yaMwari, uye kuti Mweya waMwari anogara mukati menyu here? |
|
| 17 |
|
| Kana munhu achitadzira temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, ndimi iyo. |
|
| 18 |
|
| Kurege kuva nomunhu anozvinyengera. Kana munhu achiti ndakachenjera pakati penyu panyika ino, ngaave benzi, kuti ave akachenjera. |
|
| 19 |
|
| Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, “Anobata vakachenjera pamano avo.” |
|
| 20 |
|
| Uyezve, “Ishe anoziva ndangariro dzavakachenjera, kuti hadzina maturo.” |
|
| 21 |
|
| Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anovimba navanhu. Nokuti zvinhu zvose dzezvenyu; |
|
| 22 |
|
| kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya; zvose ndezvenyu; |
|
| 23 |
|
| imi muri vaKristu; naKristu ndowaMwari. |
|
|
|
|