|
| 1 |
|
| Munhu upi noupi ngaatirangarire saizvozvo kuti tiri varanda vaKristu, vachengeti vezvakavanzika zvaMwari. |
|
| 2 |
|
| Zvino, pazvinhu izvi, pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka. |
|
| 3 |
|
| Zvino chinhu chiduku–duku kwandiri, kuti nditongwe nemi, kana nokutonga kwomunhu; handizvitongi ini ndimene. |
|
| 4 |
|
| Nokuti handizivi mhosva yandinayo; asi handiruramiswi naizvozvo; asi anonditonga ndiye Ishe. |
|
| 5 |
|
| Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomwoyo; ipapo munhu mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari. |
|
| 6 |
|
| Zvino, hama dzangu, zvinhu izvi ndakanyora ndichizvifananidzira ini naAporo, nokuda kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuura izvo zvakanyorwa, kuti, “Mumwe arege kuzvikudza, achitsaura mumwe kuno mumwe.” |
|
| 7 |
|
| Nokuti ndianiko akakutsaura iwe? Chiiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa? |
|
| 8 |
|
| Matoguta, matopfuma, mabata ushe kunze kwedu; dai maibata ushe hwenyu, kuti isu tibatewo pamwechete nemi. |
|
| 9 |
|
| Nokuti ndinoti Mwari akatigadza isu vapostori pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa, navanhu. |
|
| 10 |
|
| Isu tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera muna Kristu; isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba; imi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa. |
|
| 11 |
|
| Kusvikira nguva ino isu tine nzara, tine nyota, hatina chatingafuka, tinorohwa netsiva, hatina nzvimbo kwayo yokugara; |
|
| 12 |
|
| tinotambudzika, tichibata namaoko edu; kana tichitukwa, tinoropafadza, kana tichitambudzwa, tinotsunga mwoyo; |
|
| 13 |
|
| kana tichipomerwa mhosva, tinovarayidza; takaitwa setsvina yenyika, marara avose kusvikira zvino. |
|
| 14 |
|
| Handikunyoreri zvinhu izvi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurayirei savana vangu vanodikanwa. |
|
| 15 |
|
| Nokuti kunyangwe maiva navadzidzisi vane zviuru zvine gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Jesu Kristu ini ndakakuberekai neVhangeri. |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti muve vateveri vangu. |
|
| 17 |
|
| Nemhaka iyi ndakatuma Timoti kwamuri, mwana wangu anodikanwa, akatendeka muna Ishe; iye achakuyeuchidzai mitoro yangu iri muna Kristu Jesu, sezvandinodzidzisa kwose pachechi dzose. |
|
| 18 |
|
| Zvino vamwe vanozvikudza, vachiti ndinenge handiuyi kwamuri. |
|
| 19 |
|
| Ndichakurumidza kuuya kwamuri, kana Ishe achida; handingazivi shoko raivavo vanozvikudza, asi simba ravo. |
|
| 20 |
|
| Nokuti ushe hwaMwari hahuzi pamashoko, asi pasimba. |
|
| 21 |
|
| Munotsvakeiko? Ndiuye kwamuri neshamu, kana norudo nomweya wounyoro here? |
|
|
|
|