|
| 1 |
|
| Kana mumwe wenyu akanganisirwa nomumwe, angafunge here chokwadi kuenda kumatare avanhu vasiri vanamati, panze pokuenda kuna vatsvene? |
|
| 2 |
|
| Hamuzivi here kuti vatsvene ndivo vachatonga pasi pose? Zvino kana pasi pachizotongwa nemi hamugoni here kuenzanisa tunyaya tudiki twakadaro? |
|
| 3 |
|
| Hamuzivi here kuti tisu tichatonga vatumwa; kokutozoti nyaya dzoupenyu huno? |
|
| 4 |
|
| Zvino kana muine nyaya dzakadaro munodziendeserei kuna vanhu vasingaverengwi nesangano? |
|
| 5 |
|
| Ndinotaura izvi kwamuri kuti munyare. Ndizvo here kuti hapana munhu pakati penyu mungwaru anogona kuenzanisa hama nehama? |
|
| 6 |
|
| Asi hama iri kutokwirirana matare neimwe hama pamberi pavasiri vatendi. |
|
| 7 |
|
| Kukwirirana matare kukundikana ikoko. Zvinodii zvazvo kusva watakura zvako zvaunotadzirwa? Unodii kusva wanyengedzwa zvako? |
|
| 8 |
|
| Asi iyemi pachenyu ndimi munoita zvakaipa muchibiridzira, muchitoita izvozvo kunyange kuhama dzenyu. |
|
| 9 |
|
| Hamuzivisu kuti vasakarurama havawane nhaka youmambo hwaMwari. Musazvinyengedze kuti hapana unzenza navanamati vezvisiri Mwari, kana mhombwe navarume vanoita zvakaipa navamwe varume, |
|
| 10 |
|
| kana mbavha, kana vano ruchiva, kana zvidhakwa kana vanyombi kana makororo vanokwanisa kupinda muumambo hwaMwari. |
|
| 11 |
|
| Ndizvo zvakanga zvakaitawo vamwe venyu asi makashambidzwa mukaitwa vatsvene, mukaruramiswa muzita raTenzi Jesu Kristu uye muna Mweya waMwari wedu. |
|
| 12 |
|
| Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose asi hazvisi zvose zvinobatsira Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose asi handibvumi kuitwa muranda nechii zvacho. |
|
| 13 |
|
| Chokudya chakaitirwa dumbu dumbu rakaitirwa chokudya. Asi Mwari achazviparadza zvose zviri zviviri Muviri hausi wounzenza asi ndowaTenzi, Tenziwo ndewe muviri |
|
| 14 |
|
| Mwari akamutsa Tenzi uye achatimutsawo nesimba rake. |
|
| 15 |
|
| Hamuzivi here kuti miviri yenyu inhengo dzaKristu? Zvino ndingatore here nhengo dzomuviri waKristu ndichidziita nhengo dzomuviri wepfambi? Hazvimbofa zvakaitika. |
|
| 16 |
|
| Hamuzivi here kuti munhu anozvibatanidza nepfambi anobva ava muviri mumwechete nepfambi? Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vaviri ivavo vachava nyama imwechete.” |
|
| 17 |
|
| Munhuwo anobatana naTenzi anova mweya mumwechete naye |
|
| 18 |
|
| Sianayi noupombwe. Zvimwe zvitadzo zvose zvinoitwa nomunhu zviri kunze komuviri asi munhu anoita zvoupombwe anotadzira muviri wake. |
|
| 19 |
|
| Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene ari mamuri anobva kuna Mwari? Hamusirimi muridzi wezvamuri. |
|
| 20 |
|
| Makatengwa nomutengo. Naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu. |
|
|
|
|