Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino, pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tinako kuziva. Kuziva kunouyisa kuzvikudza, asi rudo runosimbisa. |
| 2 |
| Kana munhu achiti, “Ndinoziva chinhu,” agere kutongoziva sezvaakafanira kuziva. |
| 3 |
| Asi kana munhu achida Mwari, iye anozikanwa naye. |
| 4 |
| Zvino kana kuri kudya zvinhu zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, uye kuti hakuna mumwe Mwari, asi iye mumwechete. |
| 5 |
| Nokuti kunyangwe varipo vanonzi “Vamwari,” kana kudenga kana panyika; sezvavaripo “Vamwari vazhinji, namadzishe mazhinji;” |
| 6 |
| asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo Baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiripo nokuda kwake; uye Ishe mumwe, Jesu Kristu; zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye. |
| 7 |
| Asi vose havana kuziva ikoko; nokuti vamwe, vakarovera chifananidzo kusvikira zvino, vanodya vachiti zvakabayirwa zvifananidzo; hana yavo zvaisina simba, inoshatiswa. |
| 8 |
| Zvino zvokudya hazvingatisvitsi kuna Mwari; nokuti kana tisingadyi, hatiipiswi, kana tichidya, hatinatswi. |
| 9 |
| Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kuna vasina simba. |
| 10 |
| Nokuti kana mumwe achikuona iwe, unako kuziva, ugere pakudya mutemberi yechifananidzo, ko hana yaiyeye asina simba haingatsungiswi, kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here? |
| 11 |
| Nokuti nokuziva kwako uyo asina simba anoparadzwa, iri hama yakafirwawo naKristu. |
| 12 |
| Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchirwadzisa hana yavo isina simba munotadzira Kristu. |
| 13 |
| Saka kana zvokudya zvichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama nokusingaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/1corinthians/008.mp3
16
8