Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Handizi wakasununguka here? Handizi mupostori here? Handina kuona Jesu, Ishe wedu here? Imi hamuzi basa rangu muna Ishe here? |
| 2 |
| Kana ndisati ndiri mupostori kuna vamwe, kunyangwe zvakadaro zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri hangu; nokuti imi muri chisimbiso chohupostori hwangu muna Ishe. |
| 3 |
| Kuzvidavirira kwangu kuna ivo vanonditonga ndikoku: |
| 4 |
| Hatina simba rokudya nokunwa here? |
| 5 |
| Hatina simba rokufamba nomukadzi iri hama, savamwe vapostori navanun'una vaIshe, naKefasi here? |
| 6 |
| Ko ini ndoga naBhanabhasi hatina simba rokurega kubata basa here? |
| 7 |
| Ndianiko angandorwa achizviripira mubairo? Ndianiko anorima munda wemizambiringa, akasadya zvibereko zvawo? Ndianiko anofudza boka, akasadya mukaka weboka? |
| 8 |
| Izvi ndinozvitaura nokutaura kwavanhu here? Ko murairo haurevi saizvozvowo here? |
| 9 |
| Nokuti pamurairo waMosesi pakanyorwa, pachiti, “Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo.” Ko Mwari ane hanya nenzombe here? |
| 10 |
| Kana anoreva saizvozvo nokuda kwedu kwoga here? Zvirokwazvo, zvakanyorwa nokuda kwedu, nokuti anorima anofanira kurima netariro; noanopura, achitarira kuti uchagoverwawo. |
| 11 |
| Kana isu takakudyarirai zvinhu zvomweya, chingava chinhu chikuru here kana tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama? |
| 12 |
| Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba iro; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa Vhangeri yaKristu. |
| 13 |
| Hamuzivi here kuti vanoshumira pazvinhu zvitsvene, vanodya zvetemberi? Uye kuti vanobata basa paatari, vanogovana neatari here? |
| 14 |
| Saizvozvowo Ishe wakarayira kuti vanoparidza Vhangeri, vararame neVhangeri. |
| 15 |
| Asi ini handina kuzvibatira nechimwe chezvinhu izvo. Handinyori izvi kuti ndiitirwe saizvozvo ini; nokuti zviri nani kuti ndife, pakuti mumwe akonese icho chandinozvirumbidza nacho. |
| 16 |
| Nokuti kana ndichiparidza Vhangeri, handina chandingazvirumbidza nacho, nokuti ndinorovererwa; ndine nhamo, kana ndisingaparidzi Vhangeri. |
| 17 |
| Nokuti kana ndichizviita ndichida ini, ndino mubairo; asi kana ndichizviita ndisingadi, ndakapiwa hangu utariri. |
| 18 |
| Zvino mubairo wangu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndichiparidza Vhangeri, ndivigire vanhu Vhangeri vasingaripi, kuti ndirege kuzvibatira pandaigona napo nesimba randinaro reVhangeri. |
| 19 |
| Nokuti kunyangwe ndakasununguka kuna vose, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo. |
| 20 |
| KuVaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kuna vari pasi pomurairo, kunyangwe ndisati ndiri pasi pomurairo hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurairo; |
| 21 |
| kuna vasina murairo, ndakava somunhu asina murairo, kunyangwe ndisati ndiri munhu asina murairo waMwari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane vasina murairo. |
| 22 |
| Kuna vasina simba ndakava asina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvose kuvanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose. |
| 23 |
| Zvinhu zvose ndinozviita nokuda kweVhangeri, kuti ndigoverwe iyo pamwechete navamwe. |
| 24 |
| Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwechete anopiwa mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane. |
| 25 |
| Mumwe nomumwe, anoshingaira pakutamba, anozvidzora pazvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inoora, asi isu kuti tiwane isingaori. |
| 26 |
| Zvino ini handimhanyi somunhu asingazivi; handirwi somunhu anorova mhepo; |
| 27 |
| asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva akaraswa ndimene. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/1corinthians/009.mp3
16
9