Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, Kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose: |
| 2 |
| Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichiva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. |
| 3 |
| Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, |
| 4 |
| ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari. |
| 5 |
| Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu paupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu. |
| 6 |
| Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo. |
| 7 |
| Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu. |
| 8 |
| Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatagona kutsunga, zvokuti takademba kufa. |
| 9 |
| Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa. |
| 10 |
| Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura, |
| 11 |
| imi muchitibatsirawo neminyengetero yenyu. Ipapo vazhinji vachavonga pamusoro pedu nokuda kwenyasha zhinji dzatichapiwa pakupindurwa kweminyengetero yavazhinji. |
| 12 |
| Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari. |
| 13 |
| Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti, |
| 14 |
| sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu. |
| 15 |
| Nokuti ndaiziva chinhu ichi, ndakaronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti mugoropafadzwa kaviri. |
| 16 |
| Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea. |
| 17 |
| Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.” |
| 18 |
| Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.” |
| 19 |
| Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.” |
| 20 |
| Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe. |
| 21 |
| Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza, |
| 22 |
| akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya. |
| 23 |
| Ndinodana Mwari kuti ave chapupu changu kuti handina kuzouya kuKorinde nokuti ndakakunzwirai tsitsi. |
| 24 |
| Kwete nokuti tinoda kuremedza kutenda kwenyu, asi kuti tinobatsirana nemi kuti muve nomufaro, nokuti makamira zvakasimba nokuda kwokutenda. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/2corinthians/001.mp3
13
1