Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Nounyoro nokuzvidzora kwaKristu, ndinokumbira zvikuru kwamuri, ini Pauro, “ndinotya” zvikuru kana ndichitarisana nemi chiso nechiso asi, “handityi” kana ndisipo! |
| 2 |
| Ndinokukumbirisai zvikuru kuti kana ndichinge ndasvika kwamuri ndirege kuzova nokushinga kwandinofanira kuva nako kuna vanhu avo vanofunga kuti tinorarama namararamiro enyika ino. |
| 3 |
| Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino. |
| 4 |
| Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare. |
| 5 |
| Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu. |
| 6 |
| Uye tichange takagadzirira kuranga kuita kwose kwokusateerera, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwazadziswa. |
| 7 |
| Imi muri kungoonera zvinhu pamusoro bedzi. Kana munhu achivimba kuti iye ndowaKristu, ngaarangarirewo zvakare kuti isu tiri vaKristu sezvaakaitawo iye. |
| 8 |
| Nokuti kunyange dai ndichizvirumbidza pachena pamusoro pesimba ratakapiwa naIshe rokukuvakai kwete rokukuputsirai pasi, handinganyadziswi nazvo. |
| 9 |
| Handidi kuedza kuita sendinokutyisidzirai netsamba dzangu. |
| 10 |
| Nokuti vamwe vanoti, “Tsamba dzake dzina mashoko makukutu uye dzine chisimba, asi iye pachake haatyisi uye kutaura kwake hakuna maturo.” |
| 11 |
| Vanhu vakadai vanofanira kuziva kuti zvatiri mumatsamba edu kana tisipo, ndizvo zvatichava pakuita kwedu kana tavapo. |
| 12 |
| Hatidi kuedza kuzvienzanisa kana kuzvifananidza navamwe vanozvirumbidza. Pavanozviera vachizvienzanisa naivo pachavo, havana kuchenjera. |
| 13 |
| Zvisinei, isu hatingazvirumbidzi kupfuura mwero wakafanira, asi tinogumisa mwero wokuzvirumbidza kwedu pabasa ratakapiwa naMwari, basa rinosvika kunyange kwamuri. |
| 14 |
| Hatizi kupfurikidza mwero pakuzvirumbidza kwedu, sezvazvaizova kana dai takanga tisina kuuya kwamuri, nokuti takasvika kwamuri nevhangeri raKristu. |
| 15 |
| Uyezve hatipfuuri miganhu yedu nokuzvirumbidza pamusoro pebasa rakaitwa navamwe. Tariro yedu ndeyokuti, pamunoramba muchikura pakutenda kwenyu, mashandiro edu pakati penyu achakurawo kwazvo, |
| 16 |
| kuitira kuti tigoparidza vhangeri kumatunhu ari mberi kwenyu. Nokuti hatidi kuzvirumbidza nebasa rakaitwa kare munzvimbo dzavamwe vanhu. |
| 17 |
| Asi, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze muna She.” |
| 18 |
| Nokuti haazi uyo anozvirumbidza achanzi akatendeka, asi uyo anorumbidzwa naShe. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/2corinthians/010.mp3
13
10