Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Asi ndakati mumoyo mangu, kuti handidi kuvuya zve kwamuri nokuchema. |
| 2 |
| Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko uchandifadza, kana asiri iye wakachemedzwa neni? |
| 3 |
| Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika, ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose. |
| 4 |
| Nokuti ndakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo. |
| 5 |
| Zvino kana mumwe akachemedza hake, haana kundichemedza ini, asi ndingati zvimwe ndirege kunyanyisaimi mose. |
| 6 |
| Kurova uku kwavanhu vazhinji kunoringana munhu wakadai. |
| 7 |
| Naizvozvo zvirinani kuti mumukangamwire nokumunyaradza, kuti arege kuvodzwa moyo kwazvo neshungu huru. |
| 8 |
| Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari. |
| 9 |
| Nokuti ndakanyoravo izvi, kuti ndikuidzei, ndizive kana muchiteerera pazvinhu zvose. |
| 10 |
| Zvino iye wamunokangamwira, neni ndinomukangamwiravo; nokuti izvo zvandakangamwira ini, kana ndinenge ndakakangamwira chinhu, ndakazviita nokuda kwenyu pamberi paKristu; |
| 11 |
| kuti tirege kunyengerwa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake. |
| 12 |
| Zvino, ndakati ndichisvika paTroasi kuparidza evhangeri yaKristu, ndichizarurirwa mukova munaKristu, |
| 13 |
| ndakanga ndisinezororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakawonekana navo, ndikaenda Makedhonia. |
| 14 |
| Asi Mwari ngaavongwe, unotikundisa nguva dzose munaKristu, unoratidza nesu kose-kose bwema bwokuziva kwake. |
| 15 |
| Nokuti isu tiri bwema bwakanaka bwaKristu kunaMwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara. |
| 16 |
| Kunavamwe tiri bwema bworufu bwunoisa kurufu; kuna vamwe bwema bwovupenyu bwunoisa kuvupenyu. Zvino ndianiko ungakwanisa zvinhu zvakadai? |
| 17 |
| Nokuti hatifanani navamwe vazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi tinotaura munaKristu nechokwadi, sezvinobva kunaMwari, pamberi paMwari. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/2corinthians/002.mp3
13
2