Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Asi ndakati mumwoyo mangu, kuti handidi kuuyazve kwamuri nokuchema. |
| 2 |
| Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko achandifadza, kana asiri iye akachemedzwa neni? |
| 3 |
| Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose. |
| 4 |
| Nokuti ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomwoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo. |
| 5 |
| Zvino kana mumwe akachemedza hake, haana kundichemedza ini, asi ndingati zvimwe ndirege kunyanyisa imi mose. |
| 6 |
| Kurova uku kwavanhu vazhinji kunoringana munhu wakadai. |
| 7 |
| Naizvozvo zviri nani kuti mumukanganwire nokumunyaradza, kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu huru. |
| 8 |
| Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari. |
| 9 |
| Nokuti ndakanyorawo izvi, kuti ndikuedzei, ndizive kana munoteerera pazvinhu zvose. |
| 10 |
| Zvino iye wamunoregerera, neni ndinomuregererawo; nokuti izvo zvandakaregererwa ini, kana ndinenge ndakaregererwa chinhu, ndakazviita nokuda kwenyu pamberi paKristu; |
| 11 |
| kuti tirege kunyengerwa naSatani; nokuti mano ake tinoaziva. |
| 12 |
| Zvino, ndakati ndichisvika paTuroasi kuparidza Vhangeri yaKristu, ndichizarurirwa musuo muna Kristu, |
| 13 |
| ndakanga ndisina zororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakaonekana navo, ndikaenda Makedhonia. |
| 14 |
| Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose muna Kristu, anoratidza nesu kwose-kwose hwema hwokuziva kwake. |
| 15 |
| Nokuti isu tiri hwema hwakanaka hwaKristu kuna Mwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara. |
| 16 |
| Kuna vamwe tiri hwema hworufu hunoisa kurufu; kuna vamwe hwema hwoupenyu hunoisa kuupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa zvinhu zvakadai? |
| 17 |
| Nokuti hatifanani navamwe vazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi tinotaura muna Kristu nechokwadi, sechinobva kuna Mwari, pamberi paMwari. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/2corinthians/002.mp3
13
2