Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Tinotangazve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe tsamba dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza? |
| 2 |
| Imi muri tsamba yedu yakanyorwa mumwoyo medu, inozikanwa nokurahwa navanhu vose; |
| 3 |
| makaonekwa kuti muri tsamba yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina kunyorwa neingi, asi naMweya waMwari mupenyu; isina kunyorwa pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa enyama omwoyo. |
| 4 |
| Kutenda kwakadai tinako naKristu, kuna Mwari; |
| 5 |
| hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kuna Mwari; |
| 6 |
| iye akatikwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinouraya, asi Mweya anopa upenyu. |
| 7 |
| Zvino kana kushumira, kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namabhii pamabwe, kwakauya nokubwinya, kwakanga kwadaro kuti vana vaIsiraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuura hako |
| 8 |
| ko kushumira kwoMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? |
| 9 |
| Nokuti kana kushumira, kwakauyisa kutongeswa, kwakanga kunokubwinya, zvikuru sei kushumira, kunouyisa kururama, kuchakunda pakubwinya. |
| 10 |
| Nokuti naicho chakabwinyiswa, hachina kubwinyiswa, kana pachinhu ichi tichichifananidza nokubwinya kunokunda. |
| 11 |
| Nokuti kana icho chinopfuura chaiva nokubwinya, zvikuru sei icho chinogara ndicho chiri pakubwinya. |
| 12 |
| Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, tinotaura tisingatyi napaduku, |
| 13 |
| tisingaiti saMosesi, waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsiraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopfuura. |
| 14 |
| Asi ndangariro dzavo dzakakokomara; nokuti kusvikira zuva ranhasi, kana sungano yakare ichirawa, chifukidziro icho chiripo, chisingaratidzwi kuti muna Kristu zvinopfuura. |
| 15 |
| Asi kusvikira nhasi, kana Mosesi achirawa, chifukidziro chiripo pamwoyo yavo. |
| 16 |
| Zvino kana munhu achitendeukira kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa. |
| 17 |
| Ishe ndiMweya; zvino panoMweya waIshe, pane sununguko. |
| 18 |
| Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaIshe sapachioni-oni, tinosandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kunokumwe kubwinya, sezvichibva kuna Ishe, Mweya. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/2corinthians/003.mp3
13
3