|
| 1 |
|
| Tava kutangazve kuzvirumbidza here? Kana kuti tinotsvaka here, savamwe, tsamba dzinoenda kwamuri kana dzinobva kwamuri dzinotirumbidza? |
|
| 2 |
|
| Imi pachenyu ndimi tsamba yedu, yakanyora pamwoyo yedu, inozivikanwa uye inoverengwa navanhu vose. |
|
| 3 |
|
| Munoonekwa kuti muri tsamba yakabva kuna Kristu, basa roushumiri hwedu, yakanyorwa, kwete neingi, asi noMweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa emwoyo yavanhu. |
|
| 4 |
|
| Kutenda kwakadai souku tinako kubudikidza naKristu pamberi paMwari. |
|
| 5 |
|
| Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari. |
|
| 6 |
|
| Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu. |
|
| 7 |
|
| Zvino kana kushumira kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namavara pamabwe, kwakauya nokubwinya zvokuti vaIsraeri vakanga vasingagoni kuramba vakatarisa pachiso chaMozisi nokuda kwokubwinya kwacho, kunyange kwakanga kuchipfuura hako, |
|
| 8 |
|
| ko, kushumira kwaMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? |
|
| 9 |
|
| Kana kushumira kwakauyisa kutongwa kuvanhu kuchibwinya, ko, kuzoti kushumira kunouyisa kururama kunobwinya zvikuru sei! |
|
| 10 |
|
| Nokuti chaibwinya hachisisina kubwinya zvino kana tichichienzanisa nokubwinya kunochipfuura. |
|
| 11 |
|
| Uye kana chakanga chichizopfuura chakauya nokubwinya, ko, kuzoti chinogara chichava nokubwinya kukuru sei! |
|
| 12 |
|
| Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, takashinga zvikuru. |
|
| 13 |
|
| Hatina kufanana naMozisi aiisa chifukidziro pachiso chake kuti vaIsraeri varege kuchitarisa kupenya pakwainge kwava kupera. |
|
| 14 |
|
| Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa, nokuti chifukidziro chimwe chetecho chichiripo kana sungano yakare ichiverengwa. Hachina kubviswa, nokuti chinongobviswa chete muna Kristu. |
|
| 15 |
|
| Kunyange kusvikira zuva ranhasi kana Mozisi achiverengwa, chifukidziro chinofukidza mwoyo yavo. |
|
| 16 |
|
| Asi kana munhu akatendeukira kuna She chete, chifukidziro chinobviswa. |
|
| 17 |
|
| Zvino Ishe ndiye Mweya, uye pane Mweya waShe, pano kusununguka. |
|
| 18 |
|
| Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya. |
|
|
|
|