Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Saka, zvatinako kushumira uku, patakanzwirwa ngoni napo, hatineti; |
| 2 |
| asi takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari; asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvitendisa kuhana dzavanhu vose pamberi paMwari. |
| 3 |
| Zvino kana Vhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kuna vanorasika; |
| 4 |
| kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheVhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari. |
| 5 |
| Nokuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri varanda venyu nokuda kwaJesu. |
| 6 |
| Nokuti Mwari, akareva kuti, “Chiedza chibude parima,” ndiye akavhenekera mumwoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunoonekwa pachiso chaJesu Kristu. |
| 7 |
| Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu. |
| 8 |
| Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasa mwoyo; |
| 9 |
| tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa; |
| 10 |
| tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu. |
| 11 |
| Nokuti isu vapenyu tinogara tichingoiswa pakufa nokuda kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. |
| 12 |
| Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu mamuri. |
| 13 |
| Zvino zvatino mweya iwoyu wokutenda, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakatenda, saka ndakataura;” nesuo tinotenda, saka tinotaurawo; |
| 14 |
| tichiziva kuti iye akamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu pamwechete naJesu; agotiisa pamberi pake pamwechete nemi. |
| 15 |
| Nokuti zvinhu zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuti nyasha zvadzakawanzwa navazhinji, dziwanze kuvonga, kuti Mwari akudzwe. |
| 16 |
| Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze uchipera hawo, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe. |
| 17 |
| Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvonaka kusingaperi; |
| 18 |
| tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/2corinthians/004.mp3
13
4