|
| 1 |
|
| Naizvozvo, sezvo tine ushumiri uhu kubudikidza netsitsi dzaMwari, hatiori mwoyo. |
|
| 2 |
|
| Asi takaramba zvinhu zvakavanzika uye nenzira dzinonyadzisa; hatishandisi unyengeri, uye hatiminamisi shoko raMwari. Asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvireverera muhana yomunhu wose pamberi paMwari. |
|
| 3 |
|
| Uye kunyange zvazvo vhangeri redu rakafukidzwa, rakafukidzwa kuna avo vari kuparara. |
|
| 4 |
|
| Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari. |
|
| 5 |
|
| Nokuti hatizviparidzi isu, asi Jesu Kristu saShe, uye isu savaranda venyu nokuda kwaJesu. |
|
| 6 |
|
| Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu. |
|
| 7 |
|
| Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu kuratidza kuti simba iri rinopfuura zvose rinobva kuna Mwari kwete kwatiri. |
|
| 8 |
|
| Tinomanikidzwa kumativi ose, asi hatipwanyiwi; tinokanganiswa, asi hatina kuora mwoyo; |
|
| 9 |
|
| tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa. |
|
| 10 |
|
| Tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumuviri wedu. |
|
| 11 |
|
| Nokuti isu vapenyu tinoramba tichiiswa kurufu nokuda kwaJesu, kuti upenyu hwake huratidzwe mumuviri wedu unofa. |
|
| 12 |
|
| Saka naizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu hunobata mamuri. |
|
| 13 |
|
| Kwakanyorwa kuchinzi: “Ndakatenda; naizvozvo ndikataura.” Nomweya mumwe chete iwoyo wokutenda takatendawo uye naizvozvo tinotaura, |
|
| 14 |
|
| nokuti tinoziva kuti iye akamutsa Ishe wedu Jesu kubva kuvakafa achazotimutsawo pamwe chete naJesu uye agotisvitsa pamberi pake pamwe chete nemi. |
|
| 15 |
|
| Izvi zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuitira kuti nyasha dziri kusvikira vanhu vazhinji dziwanze kuvonga kuti Mwari akudzwe. |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo hatiori mwoyo. Kunyange zvazvo kunze tichiparara, asi mukati tiri kuvandudzwa zuva nezuva. |
|
| 17 |
|
| Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose. |
|
| 18 |
|
| Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi. |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | | 18 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/2corinthians/004.mp3
13
4