Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga. |
| 2 |
| Pari zvino tinogomera, tichishuva kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, |
| 3 |
| nokuti kana tichinge tapfekedzwa, hatizowanikwi takashama. |
| 4 |
| Nokuti kana tiri mutende ino, tinogomera uye tichiremerwa, nokuti hatishuvi kugara tisina kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, kuti icho chinofa chimedzwe noupenyu. |
| 5 |
| Zvino Mwari ndiye akatigadzirira chinhu ichi, uye akatipawo Mweya sorubatso, achisimbisa zvinouya. |
| 6 |
| Naizvozvo tinotsunga mwoyo nguva dzose uye tinoziva kuti kana tichigara mumuviri, tiri kure naIshe. |
| 7 |
| Tinorarama nokutenda, kwete nokuona. |
| 8 |
| Ndinoti tinotsunga mwoyo, kuti, zviri nani kubva mumuviri uye ndive kumusha naShe. |
| 9 |
| Saka chinangwa chedu ndechokuti timufadze, kunyange tiri mumuviri kana kunyange tisingagarimo. |
| 10 |
| Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa. |
| 11 |
| Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu. |
| 12 |
| Hatisi kuedza kuzvirumbidza kwamuri zvakare, asi tiri kukupai mukana wokuti muzvirumbidze nokuda kwedu, kuti mugone kupindura vaya vanozvirumbidza nokuda kwezvinhu zvinoonekwa panzvimbo yezvinhu zviri mumwoyo. |
| 13 |
| Kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu. |
| 14 |
| Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa. |
| 15 |
| Uye iye akafira vose, uye naizvozvo vose havachafaniri kuzviraramira pachavo asi iye akavafira uye akamutswazve kubva kuvakafa. |
| 16 |
| Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuzivi saizvozvo. |
| 17 |
| Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva! |
| 18 |
| Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa: |
| 19 |
| ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa. |
| 20 |
| Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari. |
| 21 |
| Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/2corinthians/005.mp3
13
5