|
| 1 |
|
| Zvino, vadikanwi, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari. |
|
| 2 |
|
| Mutizarurire mwoyo yenyu; hatina kuitira munhu zvisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina kunyengera munhu. |
|
| 3 |
|
| Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imi muri mumwoyo medu, kuti tife nokurarama pamwechete nemi. |
|
| 4 |
|
| Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose. |
|
| 5 |
|
| Nokuti takati tasvika Masedhonia, nyama yedu haina kuzorora, asi takatambudzika pamativi ose; kunze kwaiva nokukakavara, mukati maiva nokutya. |
|
| 6 |
|
| Asi Mwari, anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza nokusvika kwaTito; |
|
| 7 |
|
| handiti nokusvika kwake bedzi, asiwo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitiudza zvechishuo chenyu, nokuchema kwenyu, nokushingaira kwenyu pamusoro pangu; saka ndakanyanya kufara. |
|
| 8 |
|
| Nokuti kunyangwe ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidyi mwoyo; kunyangwe ndakanga ndichizvidya mwoyo hangu, ndinoona kuti tsamba iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo. |
|
| 9 |
|
| Zvino, handifari kuti makachemedzwa, asi nokuti makachemedzwa mukatendeuka; nokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nokuda kwedu. |
|
| 10 |
|
| Nokuti kuchema sezvinoda Mwari kunouyisa kutendeuka, kunoisa kukuponwa kusingazvidyi mwoyo; asi kuchema kwenyika kunouyisa rufu. |
|
| 11 |
|
| Nokuti tarirai kuti chinhu icho chokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakauyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nokuzvidavirira, nokutsamwa, nokutya, nechisuwo, nokurwadza mwoyo, nokutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi. |
|
| 12 |
|
| Zvino, kana ndakakunyorerai, handina kuzviita nokuda kwaiye akaita zvisakarurama, kana nokuda kwaiye akaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwenyu nokuda kwedu kuonekwe nemi mumene pamberi paMwari. |
|
| 13 |
|
| Nemhaka iyi isu tinonyaradzwa; zvino pakunyaradzwa kwedu takafara zvikuru kwazvo pamusoro pomufaro waTito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemi mose. |
|
| 14 |
|
| Nokuti kana ndakazvirumbidza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvatakataura kwamuri zvose nechokwadi, saizvozvowo kuzvirumbidza kwedu pamberi paTito kwakaonekwa kuti ndokwechokwadi. |
|
| 15 |
|
| Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mose, pamakamugamuchira napo nokutya nokudedera. |
|
| 16 |
|
| Ndinofara kuti pazvinhu zvose ndingakutendai. |
|
|
|
|