|
| 1 |
|
| Zvino tinokuzivisai, hama dzangu, nyasha dzaMwari dzakapiwa pachechi dzeMasedhonia; |
|
| 2 |
|
| kuti pakati pokuedzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwechete nourombo hwavo hukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo. |
|
| 3 |
|
| Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyangwe kupfuura pavakagona napo; |
|
| 4 |
|
| vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusangana pakushumira vatsvene; |
|
| 5 |
|
| havana kuita sezvatakafunga bedzi, asi ivo vakatanga kuzvipa kuna ishe, nokwatiri, nokuda kwaMwari. |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo takakumbira zvikuru kuna Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzise basa iri renyasha pakati penyuwo. |
|
| 7 |
|
| Zvino sezvamakapfuurira pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuure pabasa iri renyashawo. |
|
| 8 |
|
| Handirevi ndichirayira, asi kuti ndiedze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu nderwechokwadiwo. |
|
| 9 |
|
| Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyangwe akanga akapfuma, akava murombo nokuda kwenyu, kuti imi nourombo hwake muve vapfumi. |
|
| 10 |
|
| Pachinhu ichi ndinokuudzai kufunga kwangu; nokuti zvichakubatsirai, nokuti ndimi makatangira vamwe makei, musingaiti bedzi, asi muchidawo. |
|
| 11 |
|
| Asi zvino pedzisai kuitawo; sezvamakanga muno mwoyo unoda, saizvozvo pedzisaiwo pamunogona napo. |
|
| 12 |
|
| Nokuti kana mwoyo wokupa uripo, chipo chinofadza paanapo, kusati kuri paanoshaiwa napo. |
|
| 13 |
|
| Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane; |
|
| 14 |
|
| kuti panguva ino kuwanda kwenyu kubatsire kushayiwa kwavo, kuti kuwanda kwavo kubatsire kushayiwa kwenyuwo; kuti kuve nokuenzana; |
|
| 15 |
|
| sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Wakaunganidza zvizhinji, haana kusarirwa nechinhu; naiye akaunganidza zvishoma, haana kushayiwa.” |
|
| 16 |
|
| Zvino Mwari ngaavongwe, wakaisa mumwoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri. |
|
| 17 |
|
| Nokuti akanzwa hake kurayira kwedu, asi zvaakanga achishingaira zvikuru, akaenda kwamuri, nokuda kwake hake. |
|
| 18 |
|
| Zvino takatuma pamwechete naye hama iya, inorumbidzwa paVhangeri pachechi dzose; |
|
| 19 |
|
| zvisati zviri izvozvo bedzi, asi iye akasanangurwawo nechechi kuti atiperekedze pabasa iri renyasha, rinoitwa nesu, kuti iye Mwari akudzwe; |
|
| 20 |
|
| tichizvichenjerera, kuti kurege kuva nomunhu angatipa mhosva pamusoro pezvakawanda izvi, zvatinobata nazvo. |
|
| 21 |
|
| Nokuti hatitsvaki zvinhu zvakanaka pamberi paIshe bedzi, asi pamberi pavanhuwo. |
|
| 22 |
|
| Takatumawo navo hama yedu, yatakaedza kazhinji tikaona kuti anoshingaira pazvinhu zvizhinji; asi zvino anonyanya kushingaira nokuda kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri. |
|
| 23 |
|
| Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu, nomubatsiri wangu kwamuri; kana dziri hama dzedu, ndivo vapostori vechechi, uye kukudzwa kwaKristu. |
|
| 24 |
|
| Naizvozvo muvaratidze pamberi pechechi chiratidzo chorudo rwenyu, nechokurumbidza kwedu pamusoro penyu. |
|
|
|
|