|
| 1 |
|
| Kristu chaakatisunungurira kuti tive vanhu vakasununguka, nokudaro mirai zvakasimba murege kuzvipinzazve mujoko rouranda. |
|
| 2 |
|
| Chinzwai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kana mukadzingiswa Kristu anenge asisina chimuko kwamuri. |
|
| 3 |
|
| Ndinonyatsokutaurirai pachena zvakare kuti munhu anobvuma kudzingiswa anofanira kuchengeta zvisungo zvose zvomutemo. |
|
| 4 |
|
| Imi munoda kururamiswa nezvisungo zvomutemo makatochekana ukama naKristu, nyasha dzakatokupesai. |
|
| 5 |
|
| Nokuna Mweya Mutsvene uye nechitendero, isu tinotarisira kururamiswa kwatiri kumirira. |
|
| 6 |
|
| Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna basa asi chitendero chine rudo. |
|
| 7 |
|
| Inga maimbomhanya zvakanaka wani! Ko ndiani akakupingidzai kuteerera chokwadi. |
|
| 8 |
|
| Kufurirwa ikoko hakusi kwaiye akakudaidzai. |
|
| 9 |
|
| Mbiriso shomanana inofutisa mukanyiwa wose. |
|
| 10 |
|
| Muna Tenzi kudai ndinovimba kuti imi hamuzovi nedzimwe pfungwa dzinosiyana nedzangu uye kuti iye ari kukushushai achawana mubayiro wake, kunyange ari ani zvake. |
|
| 11 |
|
| Hama, kana ndichiri kuparidza zvedzingiso, chandiri kushushirwa chitendero chii? Kana zvakadaro kugumbura kunoita muchinjikwa kunobva kwabviswa. |
|
| 12 |
|
| Ndingatoda kuti dai vari kukutambudzai ivavo vatozvigadzira ivo pachavo. |
|
| 13 |
|
| Chandinodariro hama dzangu, ndechokuti makadanirwa rusununguko. Asi rusununguko rwenyu ngarurege kuva nzira yokuzvifadza. Asi shandiranai murudo |
|
| 14 |
|
| nokuti zvisungo zvose zvomutemo zvinozadziswa nechirevo chimwechete chinoti: “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” |
|
| 15 |
|
| Kana basa renyu rava sezvikara kurumana nokudyana munofanira kuzvingwarira nokuti mungatosvika pakupedzana. |
|
| 16 |
|
| Zvandinoreva ndezvizvi, zvokuti tungamirirwai naMweya murege kufadza havi dzomuviri |
|
| 17 |
|
| nokuti zvinodiwa nomuviri zvinorwisana nezvinodiwa naMweya. Zvinodiwawo naMweya zvinorwisana nezvinodiwa nehavi dzomuviri nokuti izvi zviri zviviri zvinorwisana zvichikutadzisai kuita zvamunoda. |
|
| 18 |
|
| Asi kana muchitungamirirwa naMweya hamuchisiri pasi pomutemo. |
|
| 19 |
|
| Zvino mabasa enyama anooneka pachena, ndeaya anoti: upombwe nokuita zvakaora, kwouya kusazvibata |
|
| 20 |
|
| nokunamata zvinhu zvisiri Mwari kwoti kuroya nokuvengana kwozoti kunetsana, nokuitirana shanje kwouyawo hasha, nokungozvifunga, kwozotiwo kupesana nokuita mapato anovengana |
|
| 21 |
|
| uye kusafarira zvakanaka zvavamwe, uyezve kuraradza nokusazvibata kwezvidhakwa nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai sokukuyambirai kwandakamboita ndichiti vanoita zvakadai havawani nhaka youmambo hwamwari. |
|
| 22 |
|
| Asi Mweya anobereka muchero wokuti tive norudo norufaro norugare, tive nemwoyo murefu nomutsa nemwoyo wakanaka nokutendeka |
|
| 23 |
|
| uye unyoro nokuzvibata. Hakuna mutemo unorwisana nezvakadai sezvizvi. |
|
| 24 |
|
| Avo vanenge vari vanhu vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa humunhu hwavo nehavi dzahwo nezvido zvahwo. |
|
| 25 |
|
| Kana Mweya ari iye anoita kuti tirarame; saizvozvo ngatichitungamirirwawo naMweya. |
|
| 26 |
|
| Ngatiregei kuzvikudza kana kudenhana kana kuitirana shanje. |
|
|
|
|