|
| 1 |
|
| Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwa. |
|
| 2 |
|
| Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu. |
|
| 3 |
|
| Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera. |
|
| 4 |
|
| Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo, |
|
| 5 |
|
| nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake. |
|
| 6 |
|
| Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nouno mudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka. |
|
| 7 |
|
| Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara. |
|
| 8 |
|
| Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo. |
|
| 9 |
|
| Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo. |
|
| 10 |
|
| Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi. |
|
| 11 |
|
| Tarirai kukura kwamavara andinoshandisa sezvo ndichikunyorerai imi noruoko rwangu! |
|
| 12 |
|
| Avo vanoda kuzviratidza kuti vakanaka nechokunze vanoedza kukumanikidzai kuti mudzingiswe. Vanongoita izvi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu. |
|
| 13 |
|
| Kunyange naivo vakadzingiswa havateereri murayiro, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vagozvikudza pamusoro penyama yenyu. |
|
| 14 |
|
| Ini ngandirege kutongozvikudza kunze kwomumuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, uyo kubudikidza nawo nyika yakarovererwa kwandiri, uye ini kunyika. |
|
| 15 |
|
| Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvirevi chinhu; chinokosha ndiko kuva chisikwa chitsva. |
|
| 16 |
|
| Rugare nengoni kuna avo vanotevera murayiro uyu, kunyange kuIsraeri yaMwari. |
|
| 17 |
|
| Pakupedzisira, ngakurege kuva nomunhu anonditambudza, nokuti ndakatakura mumuviri wangu mavanga aJesu. |
|
| 18 |
|
| Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni. |
|
|
|
|