|
| 1 |
|
| Ndini Pauro ndakaitwa mupositori waKristu Jesu chiri chido chaMwari, ndinokunyorerai imi vatsvene uye vanhu vakatendeka muna Kristu Jesu. |
|
| 2 |
|
| Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngaakuitirei nyasha akupei rugare. |
|
| 3 |
|
| Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaTenzi wedu Jesu Kristu akatikomborera muna Kristu; akatikomborera namakomborero ose ezvomweya okumatenga. |
|
| 4 |
|
| Akatisarudza maari pasi pasati pasikwa kuti tive vatsvene vakarurama pamberi pake. |
|
| 5 |
|
| Mwari, nechido chake, zvakamufadza kufanotisarudza nokuna Jesu Kristu kuti tive vana vake murudo, |
|
| 6 |
|
| kuti Mwari arumbidzwe pamusana penyasha dzake dzisingatauriki dzaakatiitira nokuMwanakomana wake wapamwoyo pasina muripo. |
|
| 7 |
|
| Nokwaari takawana ruponeso neropa rake rwokuregererwa zvikanganiso zvedu, maererano nokuwanda kwenyasha dzake |
|
| 8 |
|
| dzaakatipavhurira. |
|
| 9 |
|
| Noungwaru hwose uye zviri pachenawo, akatizivisa zvinhu zvakavandika, maererano nechinangwa chake chaakanga anacho muna Kristu |
|
| 10 |
|
| chourongwa hwake hwokuti kana nguva yakwana, abatanidze zvinhu zvose, zviri kudenga nezviri pasi agozviisa pasi paKristu. |
|
| 11 |
|
| Maari, sokutemwa kwazvakaitwa muurongwa huri kushanda muna zvose, nokuti chakanga chiri chido chake, |
|
| 12 |
|
| isu takatanga kuva nechitarisiro muna Kristu, takasarudzwa tikapiwa basa rokurumbidza mbiri yake. |
|
| 13 |
|
| Zvino, kana imiwo, muna Kristu, makanzwa shoko rechokwadi neShoko Rakanaka roruponeso rwenyu, mukatenda maari, makaiswa rupawo rwaMweya Mutsvene wechivimbiso. |
|
| 14 |
|
| Mweya Mutsvene ndiye rubatso rwenhaka yedu kusvikira taiwana, mbiri yaMwari ichibva yarumbidzwa. |
|
| 15 |
|
| Naizvozvo kana iniwo pandakanzwa zvechitendero chenyu muna Tenzi Jesu uye rudo rwenyu kuna vatsvene vose |
|
| 16 |
|
| handizorori kutenda Mwari pamusana penyu ndichikuyeukai muminamato yangu ndichiti, |
|
| 17 |
|
| “Dai Mwari waTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vembiri vangokupai Mweya woungwaru anozarurira vanhu kuti mumuzive |
|
| 18 |
|
| uye kuti mwoyo yenyu ivhenekerwe kuti muzive chitarisiro chaakakudanirai uye upfumi hwenhaka yake inomukurumbira inowanikwa navatsvene |
|
| 19 |
|
| uye hakusi kukura ikoko kwakaita simba rake matiri isu tinotenda sokushanda kwakaita simba rake guru |
|
| 20 |
|
| raakashandisa munaKristu paakamumutsa kuvakafa akaita kuti agare kurudyi rwake kunzvimbo dzokumatenga. |
|
| 21 |
|
| Kristu akaiswa pamusoro pavose zvavo vane ukuru ukuru, pamusoro pamadzishe navabati vezvigaro uye pamusoro pavane umambo, akapiwawo zita rinomukurumbira kupfuura mazita ose pasi pano nokudenga. |
|
| 22 |
|
| Mwari akaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamuita musoro wezvinhu zvose musangano |
|
| 23 |
|
| riri iro muviri wake rinomuzadzisa iye azere pasi pose muna zvose.” |
|
|
|
|