Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Wakakuraramisai imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi zvenyu, |
| 2 |
| izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba redenga, dzomweya unobata zvino muvana vokusateerera; |
| 3 |
| vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokokufunga kwedu, napakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa. |
| 4 |
| Zvino Mwari unenyasha zhinji-zhinji, nokuda korudo rwake rukuru, rwaakatida narwo, |
| 5 |
| kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, wakatiraramisa pamwe chete naKristu (makaponeswa nenyasha; |
| 6 |
| akatimutsa pamwe naye, akatigarisa kudenga pamwe chete naye, munaKristu Jesu;. |
| 7 |
| kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma huru huru yenyasha dzake pavunyoro bwake kwatiri munaKristu Jesu; |
| 8 |
| nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari; |
| 9 |
| hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu unozvikudza. |
| 10 |
| Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari. |
| 11 |
| Naizvozvo rangarirai, kuti imwi vahedheni munyama, mainzi vasina kudzingiswa naivo vanonzi vokudzingiswa, kuri munyama, kunoitwa namavoko; |
| 12 |
| kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa pavushe bwavaIsraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa musina tariro, musina Mwari panyika. |
| 13 |
| Asi zvino munaKristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu. |
| 14 |
| Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwokuparadzanisa; |
| 15 |
| zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murairo wezvakarairwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo; |
| 16 |
| kuti mumuchinjikwa ayananisezve vose vaviri, vave muviri mumwe kunaMwari, zvaakavuraya kuvengana naiwo muchinjikwa; |
| 17 |
| akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imwi maiva kure, norugare kunaivo vaiva pedo; |
| 18 |
| nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kunaBaba. |
| 19 |
| Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi vobwo pamwe chete navatsvene, naveimba yaMwari. |
| 20 |
| Makavakwa pamusoro penheyo dzavapositora navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona. |
| 21 |
| Maari imba yose yakasonganiswa ichikura kuti ive tembere tsvene munaMwari. |
| 22 |
| Maari nemivo makavakwa pamwe chete, kuti muve vugaro bwaMwari muMweya. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/ephesians/002.mp3
6
2