|
| 1 |
|
| Wakakuraramisai imi, makaŋga makafa nokuɗarika kwenyu neɀiʋi ɀenyu, |
|
| 2 |
|
| iɀo ɀamaifamba mukati maɀo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomucinda wesimba reɗeŋga, dzomŋeya unoɓata ɀino muʋana ʋokusaterera; |
|
| 3 |
|
| ʋataifamba tose pakati paʋo kare, mukuciʋa kwenyama yeɗu, ticiita kuɗa kwenyama nokwokufuŋga kweɗu, napakuɀarwa kweɗu isu naʋamŋe ʋose taiʋa ʋana ʋokutsamŋirwa. |
|
| 4 |
|
| Ɀino Mŋari unenyasha zhinji‐zhinji, nokuɗa kworuɗo rwake rukuru, rwaakatiɗa narwo, |
|
| 5 |
|
| kunyaŋge takaŋga takafa mukuɗarika kweɗu, wakatiraramisa pamŋe cete naKristu (makaponeswa nenyasha); |
|
| 6 |
|
| akatimutsa pamŋe cete naye, akatigarisa kuɗeŋga pamŋe cete naye munaKristu Jesu; |
|
| 7 |
|
| kuti neŋguʋa dzinoʋuya aratidze fuma huru‐huru yenyasha dzake paʋunyoro bgake kwatiri munaKristu Jesu; |
|
| 8 |
|
| nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; iɀo ɀisiŋgabvi kwamuri, asi cipo caMŋari; |
|
| 9 |
|
| haɀibvi pamaɓasa, kuti kurege kuʋa nomunhu unoɀikudza. |
|
| 10 |
|
| Nokuti tiri ɓasa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite maɓasa akanaka, akagadzirwa kare naMŋari kuti tifambe maari. |
|
| 11 |
|
| Naiɀoɀo raŋgarirai, kuti imi ʋahedeni munyama, mainzi ʋasina‐kudziŋgiswa naiʋo ʋanonzi ʋokudziŋgiswa, kuri munyama, kunoitwa namaʋoko; |
|
| 12 |
|
| kuti neŋguʋa iyo makaŋga musinaKristu, muri ʋatorwa paʋushe bgaʋaIsraeri, muri ʋaeni pasuŋgano dzecipikirwa, musinetariro, musinaMŋari panyika. |
|
| 13 |
|
| Asi ɀino munaKristu Jesu imi, makaŋga muri kure kare, makasweɗedzwa muropa raKristu. |
|
| 14 |
|
| Nokuti ndiye rugare rweɗu, iye wakaita ɀinhu ɀiʋiri kuti ciʋe cinhu cimŋe, akaputsa ruȿiŋgo rwapakati rwaiparadzanisa; |
|
| 15 |
|
| ɀaakaparadza munyama yake kuʋeŋgana, iwo murairo weɀakarairwa paɀireʋo; kuti asike aʋa ʋaʋiri ʋaʋe munhu mutȿa maari, aite rugare saiɀoɀo; |
|
| 16 |
|
| kuti mumucinjikwa ayananise ɀe ʋose ʋaʋiri, ʋaʋe muʋiri mumŋe kunaMŋari, ɀaakaʋuraya kuʋeŋgana naiwo mucinjikwa; |
|
| 17 |
|
| akaȿika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiʋa kure, norugare kunaiʋo ʋaiʋa pedyo; |
|
| 18 |
|
| nokuti isu tose tinopinda naiye noMŋeya mumŋe kunaƂaɓa. |
|
| 19 |
|
| Naiɀoɀo, hamuzati muciri ʋaeni naʋatorwa, asi ʋobgo pamŋe cete naʋatȿene, naʋeimba yaMŋari. |
|
| 20 |
|
| Makaʋakwa pamsoro penheyo dzaʋaapostora naʋaprofita, Kristu Jesu amene ari ibge rapakona. |
|
| 21 |
|
| Maari imba yose yakasoŋganiswa kwaɀo, inokura, iʋe tembere tȿene munaShe. |
|
| 22 |
|
| Maari nemi ʋo makaʋakwa pamŋe cete, kuti muʋe ʋugaro bgaMŋari muMŋeya. |
|
|
|
|