|
| 1 |
|
| Akakuraramisai imi, makanga makafa nokudarika kwenyu nezvivi zvenyu, |
|
| 2 |
|
| izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba redenga, dzomweya anobata zvino muvana vokusateerera; |
|
| 3 |
|
| vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, nopakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa. |
|
| 4 |
|
| Zvino Mwari ane nyasha zhinji-zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo, |
|
| 5 |
|
| kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, akatiraramisa pamwechete naKristu makaponeswa nenyasha; |
|
| 6 |
|
| akatimutsa pamwechete naye, akatigarisa kudenga pamwechete naye muna Kristu Jesu; |
|
| 7 |
|
| kuti nenguva dzinouya aratidze pfuma huru-huru yenyasha dzake paunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu; |
|
| 8 |
|
| nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari; |
|
| 9 |
|
| hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu anozvikudza. |
|
| 10 |
|
| Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti muna Kristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari. |
|
| 11 |
|
| Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi “Vasina, kudzingiswa” naivo vanonzi, “Vokudzingiswa,” kuri munyama, kunoitwa namaoko; |
|
| 12 |
|
| kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa paushe hwavaIsiraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa, musina tariro, musina Mwari panyika. |
|
| 13 |
|
| Asi zvino muna Kristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu. |
|
| 14 |
|
| Nokuti ndiye rugare rwedu, iye akaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwaiparadzanisa; |
|
| 15 |
|
| zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murayiro wezvakarayirwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo; |
|
| 16 |
|
| kuti mumuchinjikwa ayananisezve vose vaviri, vave muviri mumwe kuna Mwari, zvaakauraya kuvengana naiwo muchinjikwa; |
|
| 17 |
|
| akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kuna ivo vaiva pedyo; |
|
| 18 |
|
| nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kuna Baba. |
|
| 19 |
|
| Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi matova pamwechete navatsvene, neveimba yaMwari. |
|
| 20 |
|
| Makavakwa pamusoro penheyo dzavapostori navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona. |
|
| 21 |
|
| Maari imba yose yakasanganiswa kwazvo, inokura, ive temberi tsvene muna Ishe. |
|
| 22 |
|
| Maari nemiwo makavakwa pamwechete, kuti muve ugaro hwaMwari muMweya. |
|
|
|
|