|
| 1 |
|
| Nokuda kwaizvozvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu imi vaHedheni: |
|
| 2 |
|
| Zvirokwazvo makanzwa zvokugoverwa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri nokuda kwenyu, |
|
| 3 |
|
| kuti chakavanzika chakaziviswa kwandiri nokuzarurirwa, sezvandakatonyora zvishoma. |
|
| 4 |
|
| Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa kuziva kwangu muchakavanzika chaKristu, |
|
| 5 |
|
| chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita vatsvene vaMwari. |
|
| 6 |
|
| Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, vaHedheni vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye inhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu. |
|
| 7 |
|
| Ndakava muranda wevhangeri iri nechipo chenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri kubudikidza nokushanda kwesimba rake. |
|
| 8 |
|
| Kunyange ndiri muduku pavanhu vose vaMwari, idzi nyasha dzakapiwa kwandiri: kuti ndiparidze vhangeri kuvaHedheni pfuma yaKristu isingawanikwi; |
|
| 9 |
|
| uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose. |
|
| 10 |
|
| Zvaaida zvino ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri hwaMwari hukuru huziviswe kuvatongi navane simba vari muchadenga, |
|
| 11 |
|
| maererano nevavariro yake isingaperi yaakakwanisa muna Kristu Jesu Ishe wedu. |
|
| 12 |
|
| Maari uye kubudikidza nokutenda kwaari tigone kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi. |
|
| 13 |
|
| Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudziko angu nokuda kwenyu, ndiko kukudzwa kwenyu. |
|
| 14 |
|
| Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama namabvi pamberi paBaba, |
|
| 15 |
|
| avo kubva kwavari mhuri yavo yose iri mudenga uye napanyika inowana zita rayo. |
|
| 16 |
|
| Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati, |
|
| 17 |
|
| kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo, |
|
| 18 |
|
| muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii, |
|
| 19 |
|
| uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari. |
|
| 20 |
|
| Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu, |
|
| 21 |
|
| ngaave nokubwinya mukereke uye muna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni. |
|
|
|
|