|
| 1 |
|
| Nemhaka iyi, ini Pauro, ndiri musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu, imi vahedheni, |
|
| 2 |
|
| kana makanzwa henyu kugoverwa kwenyasha dzaMwari dzandakapiwa pamusoro penyu; |
|
| 3 |
|
| kuti zvakanga zvakavanzika zvakandizivisa pakuzarurirwa, sezvandakambokunyorerai namashoko mashoma; |
|
| 4 |
|
| kana muchiarava iwo, mungaona kuziva kwangu pane zvakavanzika zvaKristu; |
|
| 5 |
|
| zvakanga zvisina kuziviswa vanakomana vavanhu pane dzimwe nguva, sezvazvakazarurirwa vapostori vatsvene, navaporofita zvino muMweya; |
|
| 6 |
|
| zvokuti: Vahedheni, vadyi venhaka pamwechete nesu, nemitezo yomuviri pamwechete nesu, vakagoverwawo pamwechete nesu chipikirwa muna Kristu Jesu neVhangeri; |
|
| 7 |
|
| yandakaitwa mushandiri wayo nechipo chenyasha dzaMwari, chandakapiwa nokushanda kwesimba rake. |
|
| 8 |
|
| Ini, muduku kwazvo kuvatsvene vose, ndakapiwa nyasha idzi, kuti ndiparidzire vahedheni pfuma isinganzverwi yaKristu, |
|
| 9 |
|
| nokuratidza vose kuti kugoverwa kwakadiniko kwezvakavanzika, zvakanga zvakafukidzwa muna Mwari, akasika zvose, kubva panguva yokutanga; |
|
| 10 |
|
| kuti zvino madzishe navane simba kudenga vaziviswe nesungano kuchenjera kukuru kwaMwari; |
|
| 11 |
|
| sechirevo chokutanga–tanga chaakatema muna Kristu Jesu, Ishe wedu; |
|
| 12 |
|
| maari tinokutsunga kwedu nokupinda kwedu tisingatyi, nokutenda kwake. |
|
| 13 |
|
| Saka ndinokumbira kuti murege kupera mwoyo nokutambudzika kwangu pamusoro penyu; ndiko kukudzwa kwenyu. |
|
| 14 |
|
| Nemhaka iyi ndinopfugama namabvi angu kuna Baba, |
|
| 15 |
|
| rudzi rwose kudenga napanyika runotumidzwa nezita ravo, |
|
| 16 |
|
| kuti vakupei papfuma yokubwinya kwavo kukuru, simba kuti musimbiswe noMweya wavo mumunhu womukati; |
|
| 17 |
|
| kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda; kuti imi, mune midzi yenyu nenheyo dzenyu murudo; |
|
| 18 |
|
| muve nesimba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose, kuti kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika kwakadiniko, |
|
| 19 |
|
| nokuziva rudo rwaKristu, runopfuura kuziva, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMwari. |
|
| 20 |
|
| Zvino, iye ane simba rokuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga, nesimba rinobata mukati medu, |
|
| 21 |
|
| ngaave nokubwinya musangano muna Kristu Jesu, kusvikira kumarudzi ose nokusingaperi–peri, Ameni. |
|
|
|
|