|
| 1 |
|
| Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu hwakafanira kudanwa kwamakagamuchira. |
|
| 2 |
|
| Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo. |
|
| 3 |
|
| Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare. |
|
| 4 |
|
| Pano muviri mumwe noMweya mumwe, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa, |
|
| 5 |
|
| Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe; |
|
| 6 |
|
| Mwari mumwe uye Baba vavose, ari pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, uye muna vose. |
|
| 7 |
|
| Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu. |
|
| 8 |
|
| Ndokusaka zvichinzi: “Paakakwira kudenga, akatapa utapwa uye akapa zvipo kuvanhu vake.” |
|
| 9 |
|
| (Zvinorevei kuti “akakwira” asi kuti akaburukawo kumativi ari pasi enyika? |
|
| 10 |
|
| Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.) |
|
| 11 |
|
| Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi, |
|
| 12 |
|
| kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe |
|
| 13 |
|
| kudzamara isu tose tasvika pahumwe hwokutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu. |
|
| 14 |
|
| Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo. |
|
| 15 |
|
| Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu. |
|
| 16 |
|
| Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo. |
|
| 17 |
|
| Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She, kuti hamufaniri kuramba muchirarama savaHedheni, muupenzi hwendangariro dzavo. |
|
| 18 |
|
| Vakasvibiswa mukunzwisisa kwavo uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mavari nokuda kwoukukutu hwemwoyo yavo. |
|
| 19 |
|
| Vasisina hanya, vakasvika kuutera kuitira kuti vagoita mabasa ose etsvina, nokuchiva zvakawanda. |
|
| 20 |
|
| Kunyange zvakadaro, imi hamuna kuziva Kristu saizvozvo. |
|
| 21 |
|
| Zvirokwazvo makanzwa nezvake uye makadzidziswa maari maererano nechokwadi chiri muna Jesu. |
|
| 22 |
|
| Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera; |
|
| 23 |
|
| kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu; |
|
| 24 |
|
| uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene. |
|
| 25 |
|
| Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe. |
|
| 26 |
|
| “Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchaka-ngotsamwa, |
|
| 27 |
|
| uye musapa dhiabhori chinzvimbo. |
|
| 28 |
|
| Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa. |
|
| 29 |
|
| Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa. |
|
| 30 |
|
| Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa. |
|
| 31 |
|
| Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose. |
|
| 32 |
|
| Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu. |
|
|
|
|