|
| 1 |
|
| Naizvozvo ini musungwa akasungirwa Tenzi ndinokukumbirai kuti mugare upenyu hunowirirana noupenyu hwamakadaidzirwa. |
|
| 2 |
|
| Ivai nemwoyo wokuzvirereka nemwoyo munyoro nemwoyo murefu muchitirirana zvine rudo |
|
| 3 |
|
| muine shungu dzokuchengetedza Mweya wokubatana kwamakaita makasunganidzwa norugare. |
|
| 4 |
|
| Kunongova nomuviri mumwechete naMweya mumwechete sokudaidzirwa kwamakaitwa chitarisiro chimwechete pamakadaidzwa. |
|
| 5 |
|
| Kuna Tenzi mumwechete nechitendero chimwechete noruombeko rumwechete. |
|
| 6 |
|
| Kuna Mwari mumwechete Baba vedu tose vari pamusoro pavose vanoshanda nomuna vose uye muna vose. |
|
| 7 |
|
| Mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha zvichienderana nokukura kwechipo chaakapiwa naKristu. |
|
| 8 |
|
| Saizvozvo zvinonzi, “Paakakwira kumusoro akatungamirira gurusvusvu ravasungwa akapa zvipo kuvanhu.” |
|
| 9 |
|
| Ko, kuti akakwira kumusoro kunoreva kuti kudii? Kunorevawo kuti akambodzika pasi pasi penyika. |
|
| 10 |
|
| Iye akadzika ndiyewo akakwira kumusorosoro kwamatenga ose kuti azadze zvinhu zvose. |
|
| 11 |
|
| Zvipo zvake zvaiva zvokuti vamwe vave vapositori, vamwewo vave vaporofita uye vamwe vave vaparidzi veShoko Rakanaka, vamwe vari vafudzi, vamwe vari vadzidzisi |
|
| 12 |
|
| kuti vatsvene vawaniswe ruzivo rwebasa rezvokwaMwari kuti muviri waKristu uumbwe |
|
| 13 |
|
| kusvikira tose tave vamwechete muchitendero nomukuziva Mwanakomana waMwari kusvikira tave vanhu vabve zano kusvikira tava nechimiro chaKristu chizere. |
|
| 14 |
|
| Izvi zvinoita kuti tirege kuramba tiri vana vanoitwa sukunasai vanongopeperetswa kose kose nechidzidziso chipi nechipi choujarijari hwavanhu nokusvinuka kwavo muunyengedzi. |
|
| 15 |
|
| Asi, zvirinani kutaura chokwadi murudo. Tinofanira kukura muna zvose maari iye musoro, Kristu. |
|
| 16 |
|
| Ndiye anoita kuti muviri wose ukure uchizviumba murudo wakabatana uye wakarukana nenhengo dzose dzauinadzo chero nhengo imwe neimwe ichiita basa rayo zvakanaka. |
|
| 17 |
|
| Zvino izvi ndizvo zvandinotaura ndichisimbisisa kwazvo muzita raTenzi kuti hamufaniri kunge muchagara savahedheni nepfungwa dzavo dzisina maturo. |
|
| 18 |
|
| Pfungwa dzavo dziri murima. Vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari pamusana pokushaya ruzivo kuri mavari nokuda kokuomarara kwavo komwoyo yavo. |
|
| 19 |
|
| Havasisina nyadzi; kana kuzvibata uye vanamakaro. |
|
| 20 |
|
| Hazvisiri izvo zvamakadzidza pana Kristu. |
|
| 21 |
|
| Makanzwaka imi nezvake mukadzidziswa maaari chokwadi sezvachiri muna Jesu. |
|
| 22 |
|
| Chibvisai humunhu hwenyu homugariro wenyu wakare hwakaodzwa nehavi dzounyengedzi, |
|
| 23 |
|
| muvandudzwe patsva mumweya nomupfungwa dzenyu, |
|
| 24 |
|
| mupfeke unhu hutsva hwakasikwa hwakatodzana naMwari muururami noutsvene huri pachokwadi. |
|
| 25 |
|
| Naizvozvo chikandai pasi nhema, munhu oga oga ataure chokwadi kuno mumwe wake nokuti tiri mutezo womumwe nomumwe wedu. |
|
| 26 |
|
| Kushatirwa mungashatirwe zvenyu asi musapare chitadzo. Musavidze zuva makashatirwa |
|
| 27 |
|
| muchipa Dhiabhori mukana. |
|
| 28 |
|
| Mbavha ngaachirega kuba ichiita basa kwaro namaoko ayo [rinoiraramisa] kuti ibatsire vasina chokubata. |
|
| 29 |
|
| Mumuromo menyu ngamurege kubuda mazwi akaora asi mazwi ayo chete anovaka anofambirana nezviripo kuti ape chikomborero vanenge vakateerera. |
|
| 30 |
|
| Muregewo kutsamwisa Mweya Mutsvene waMwari nokuti ndiye wamakapiwa naye rupawo kuitira zuva reruponeso. |
|
| 31 |
|
| Bvisai mamuri nduramwa dzose nokutsamwa, nehasha nokupopota namakuhwa nouipi hwose. |
|
| 32 |
|
| Itiranai zvakanaka muve nomwoyo murefu muchiregererana sokuregererwa kwamakaitwa naMwari muna Kristu. |
|
|
|
|