|
| 1 |
|
| Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa; |
|
| 2 |
|
| fambai murudo, Kristu sezvaakakudaiwo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kuna Mwari, zviite hwema hunonhuwira. |
|
| 3 |
|
| Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; |
|
| 4 |
|
| nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga. |
|
| 5 |
|
| Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakuna mhombwe, kana munhu une tsvina, kana anochiva, ndiye anonamata zvifananidzo, angadya nhaka muushe hwaKristu naMwari. |
|
| 6 |
|
| Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavanakomana vokusateerera. |
|
| 7 |
|
| Naizvozvo regai kushamwaridzana navo; |
|
| 8 |
|
| nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza muna Ishe; fambai savana vechiedza. |
|
| 9 |
|
| Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nechokwadi, |
|
| 10 |
|
| muchiedza muzive zvinofadza Ishe. |
|
| 11 |
|
| Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muarayire; |
|
| 12 |
|
| nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirehwa. |
|
| 13 |
|
| Asi zvinhu zvose, kana zvarayirwa, zvinoratidzwa, chava chiedza. |
|
| 14 |
|
| Saka iye anoti, “Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu achakuvhenekera.” |
|
| 15 |
|
| Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; |
|
| 16 |
|
| mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa. |
|
| 17 |
|
| Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaIshe. |
|
| 18 |
|
| Regai kudhakwa newaini, nokuti ndipo panokusazvidzora, asi muzadzwe noMweya; |
|
| 19 |
|
| mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumwoyo yenyu; |
|
| 20 |
|
| muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raIshe wedu, Jesu Kristu; |
|
| 21 |
|
| muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Kristu. |
|
| 22 |
|
| Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kuna Ishe. |
|
| 23 |
|
| Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wesangano; iye amene ndiye muponesi womuviri. |
|
| 24 |
|
| Asi sangano sezvariri pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo. |
|
| 25 |
|
| Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo sangano, akazvipa nokuda kwaro; |
|
| 26 |
|
| kuti ariite dzvene achirinatsa nokushambidza nemvura neshoko, |
|
| 27 |
|
| kuti azviisire pamberi pake sangano, rinobwinya, risina gwapa, kana kuonyana, kana chinhu chakadai; asi rive dzvene, risina chipomerwa. |
|
| 28 |
|
| Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Anoda mukadzi wake, anozvida; |
|
| 29 |
|
| nokuti hakuna munhu akatongovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira sangano; |
|
| 30 |
|
| nokuti isu tiri mitezo yomuviri wake. |
|
| 31 |
|
| Naizvozvo munhu achasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe. |
|
| 32 |
|
| Chakavanzika ichi, chikuru; asi ndinotaura zvaKristu nezvesangano. |
|
| 33 |
|
| Asi imiwo, mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake. |
|
|
|
|