|
| 1 |
|
| Ndiwo mashoko akataurwa naMosesi kuVaIsiraeri vose mhiri kwaJodhani murenje, muMupata wakatarisana neSufi, pakati peParani, neTofera, neRabhani, neHazeroti, neDhizahabhi. |
|
| 2 |
|
| Kubva paHorebhu, nenzira yokugomo reSeiri, kusvika paKadheshi–bhania, munhu anofamba mazuva ane gumi nerimwe. |
|
| 3 |
|
| Zvino pagore ramakumi mana, pamwedzi wegumi nomumwe, nezuva rokutanga romwedzi, Mosesi wakaudza vana VaIsiraeri zvose zvavakarairwa naJehovha naye; |
|
| 4 |
|
| akati akunda Sihoni, mambo waVaAmori, akanga agere Heshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, akanga agere Ashitaroti, paEdhirei, |
|
| 5 |
|
| Mosesi akatanga kududzira murairo uyu vari mhiri kwaJodhani, panyika yokwaMoabhu akati, |
|
| 6 |
|
| “Jehovha Mwari wedu akataura nesu paHorebhu, akati, ‘Makagara nguva yakaringana pagomo iri. |
|
| 7 |
|
| Dzokai, mufambe, muende kumakomo aVaAmori nokunzvimbo dzose dziri pedyo nawo, kuMupata, nokumakomo, nokumapani, nokurutivi rwezasi, nokumhenderekedzo dzegungwa, okunyika yaVaKenani, nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, rwizi Yufuretesi. |
|
| 8 |
|
| Tarirai, ndakaisa nyika pamberi penyu; pindai, mutore nyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, kuna Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti vachaipiwa ivo navana vavo vanovatevera.’ |
|
| 9 |
|
| “Nguva iyo ndakataura nemi, ndikati, ‘Handigoni kukutakurai ndiri ndoga; |
|
| 10 |
|
| Jehovha Mwari wenyu wakakuwanzai; tarirai, nhasi mava senyenyedzi dzokudenga pakuwanda kwenyu. |
|
| 11 |
|
| Jehovha Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwedzerei rune chiuru chamazana pamakasvika zvino, amuropafadze sezvaakakupikirai. |
|
| 12 |
|
| Ini ndoga ndingatakura seiko kurema kwenyu, nomutoro wenyu, nokurwa kwenyu? |
|
| 13 |
|
| Muzvitsaurirei varume vakachenjera, vakangwara, vanozikanwa, kumarudzi enyu, ndivaite vakuru venyu.’ |
|
| 14 |
|
| Mukandipindura, mukati, ‘Chinhu icho chamataura chakanaka kuti tichiite.’ |
|
| 15 |
|
| Ipapo ndakatora vakuru vamarudzi enyu, varume vakanga vakachenjera, vakanga vachizikanwa, ndikavaita vakuru venyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi, navatariri kumarudzi enyu. |
|
| 16 |
|
| “Nenguva iyo ndikaraira vatongi venyu, ndikati, ‘Teererai mhosva dziri pakati pehama dzenyu, mururamisire pakati pomunhu nehama yake, nomutorwa ugere naye. |
|
| 17 |
|
| Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; munofanira kuteerera muduku nomukuru nomutoo mumwe; musatya munhu; nokuti kutonga ndokwa Mwari; asi kana kune mhaka yamusingagoni, muuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.’ |
|
| 18 |
|
| Nenguva iyo ndakakurairai zvose zvamunofanira kuita. |
|
| 19 |
|
| “Zvino takasimuka paHorebhu, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona panzira yokumakomo aVaAmori, sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; tikasvika paKadheshi–bhania. |
|
| 20 |
|
| Ndikati kwamuri, ‘Masvika panyika yamakomo yaVaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu. |
|
| 21 |
|
| Tarirai, Jehovha, Mwari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; musatya kana kuvhunduka.’ |
|
| 22 |
|
| “Ipapo imi makaswedera mose kwandiri, mukati, ‘Ngatitume varume vatitungamirire, vatishorere nyika, vagouya kuzotiudza nzira yatinofanira kukwira nayo, namaguta atichandosvika kwaari.’ |
|
| 23 |
|
| “Shoko iro rakandifadza; ndikatsaura varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kurudzi rumwe norumwe. |
|
| 24 |
|
| Ivo vakaenda vakakwira mugomo, vakasvika mumupata weEshikori, vakaishora. |
|
| 25 |
|
| Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, ‘Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.’ |
|
| 26 |
|
| “Asi makaramba kukwira, mukamukira kuraira kwaJehovha Mwari wenyu; |
|
| 27 |
|
| mukanyunyuta mumatende enyu, mukati, ‘Jehovha wakativenga, saka wakatibudisa munyika yeIjipiti, kuti atiise mumaoko aVaAmori, kuti atiparadze. |
|
| 28 |
|
| Zvino tichaendepiko? Hama dzedu dzanyawusa mwoyo yedu,’ dzichiti, ‘Vanhu avo vanotikunda nokukura nokureba; maguta makuru, akakombwa namasvingo anosvika kudenga; uye, takaonako vana vaAnaki.’ |
|
| 29 |
|
| “Ipapo ini ndakati kwamuri, ‘Musavhunduka henyu, kana kuvatya. |
|
| 30 |
|
| Jehovha Mwari wenyu unokutungamirirai, iye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paIjipiti pamberi penyu, |
|
| 31 |
|
| nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara muchisvika panzvimbo iyi.’ |
|
| 32 |
|
| Asi pachinhu ichi hamuna kutenda Jehovha Mwari wenyu; |
|
| 33 |
|
| iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati. |
|
| 34 |
|
| “Zvino Jehovha akanzwa izwi ramashoko enyu, akatsamwa, akapika, achiti, |
|
| 35 |
|
| ‘Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavanhu ava, vorudzi urwu rwakaipa, uchaona nyika yakanaka, yandakapika ndichiti ndichaipa madzibaba enyu, |
|
| 36 |
|
| asi Karebhu, mwanakomana waJefune, ndiye uchaiona; ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika, nokuti iye wakatevera Jehovha nomwoyo wose.’ |
|
| 37 |
|
| Jehovha akanditsamwira neniwo nokuda kwenyu akati, ‘Newewo haungapindi ikoko. |
|
| 38 |
|
| “‘Joshua mwanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye uchapinda ikoko; umusimbise, nokuti ndiye uchagarisa VaIsiraeri nhaka yavo.’ |
|
| 39 |
|
| “Vana venyu vaduku, vamakati vachatapwa, navana venyu vasingazivi nhasi zvakanaka nezvakaipa, ndivo vachapinda ikoko; ndichavapa iyo, ive yavo. |
|
| 40 |
|
| Asi kana murimi, dzokai mufambe murenje nenzira yokuGungwa Dzvuku. |
|
| 41 |
|
| Zvino imi mukapindura, mukati kwandiri, ‘Takatadzira Jehovha, tichakwira hedu tindorwa, zvose sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu.’ Mukashonga mumwe nomumwe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukada kukwira mugomo. |
|
| 42 |
|
| “Zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Uti kwavari: Musakwira kana kurwa, nokuti ini handizi pakati penyu; kuti murege kukundwa pamberi pavavengi venyu.’ |
|
| 43 |
|
| Naizvozvo ndakataura nemi, asi makaramba kunditeerera; asi makamukira murairo waJehovha, mukaita manyawi, mukakwira mugomo. |
|
| 44 |
|
| Zvino VaAmori vakanga vagere mugomo iro, vakabuda kuzorwa nemi, vakakudzingai, sezvinoita nyuchi, vakakuparadzai kusvikira paHoma. |
|
| 45 |
|
| Ipapo makadzoka, mukachema pamberi paJehovha, asi Jehovha haana kuteerera izwi renyu, kana kurerekera nzeve dzake. |
|
| 46 |
|
| Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yamakagarapo. |
|
|
|
|