×

Bhaibhiri Idzva 2008

Dheuteronomio 18

1
“Vapristi vechiRevhi vose zvavo vedzinza raRevhi havafaniri kuva nomugove kana nhaka yenyika pakati pevaIsiraeri. Chokudya chavo chinobva pamipiro inoita zvokupiswa kuna Tenzi nezvimwe zvaanopirwa.
2
Ngavarege kuva nenhaka yenyika pakati pehama dzavo, Tenzi ndiye nhaka yavo sezvaakavatsidzira.
3
“Izvi ndizvo zvinofanira kupiwa vapristi zvichibva pane zvinopirwa navanhu ingave iri mombe kana hwai, ngavape mupristi bandauko neshaya mbiri nenyama yamakuru.
4
Mupe mbesa dzako dzokutanga, newaini yako yokutanga, namafuta ako eorivhi aunotanga kusvina, nemvere dzehwai dzako dzaunotanga kuveura.
5
Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wako akasarudza iye navana vake pamadzinza enyu ose kuti vamiririre Tenzi vachishanda muzita rake.
6
“Kana muRevhi achida zvake angabve mune rimwe guta reIsiraeri yose maagere, achiuya kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako.
7
Ipapo angashande zvake muzita raTenzi Mwari wake sezvinoita vamwe vake vaRevhi vanomiririra pana Tenzi vachishandapo.
8
Pane zvokudya ngavapiwe migove yakaenzana tisingataure zvavanowana panotengeswa zvinhu zvenhaka dzamadzibaba avo.
9
“Kana wazosvika munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako rega kutevedzera tsika dzinosemesa dzinoitwa namarudzi avanhu ivavo.
10
Pakati penyu ngaparege kuva nomunhu anopisa mumoto mwana wake, mukomana kana musikana somupiro. Hapafanire kuva nomunhu anoshopera, kana anofembera nemaminimini, kana anoita un'anga hwokududzira mashura, kana munhu akaromba mishonga,
11
kana anoita mapipi, kana kuva svikiro, kana ane shave rouroyi, kana anobvunzira kumidzimu
12
nokuti Tenzi haambodi zvake ani naani anoita zvakaipa zvakadai. Pamusana pezviito zvinosemesa izvozvi Tenzi Mwari wenyu ari kufanokudzingirai marudzi avanhu iwayo.
13
Saka imi rambai muri pachokwadi muchitevera Tenzi Mwari wenyu musina chinongo.
14
“Ndinodaro nokuti ndudzi dzavanhu dzamuri kuzodzinga munyika dzadzo dzinovimba navanofembera vachiita zvemaminimini nevanoshopera, asi imi Tenzi Mwari wenyu haakubvumidzei kuita izvozvo.
15
Tenzi Mwari wenyu achakumutsirai muporofita akaita seni achibva mukati menyu, hama yenyu chaiyo, iyeyo ndiye wacho wokuteerera.
16
“Handiti musi uya, takaungana paGomo reSinai makakumbira Tenzi Mwari wenyu muchiti, ‘Dai waro tachirega zvedu kunge tichanzwa Tenzi achitaura, kana kuramba tichiona zimoto iri nokuti tingafe.’
17
Tenzi ndokunditi, ‘Zvavataura zvose izvi zvakanaka.
18
Ndichavamutsira muporofita akaita sewe achibva mavari paukama hwavo. Ndichamupa mashoko angu. Achavataurira zvose zvandinoti avaudze.
19
Munhu asingateerere mashoko angu aachataura anozviona neni.
20
Asi muporofita anotaura mashoko muzita rangu, ini ndisina kumutuma kana anotaura mashoko muzita ravamwe vamwari, muporofita iyeyo anofanira kufa.’
21
Mungadaro mukazvibvunza mumwoyo menyu kuti, ‘Tingazoziva sei shoko rinenge risina kunge rataurwa naTenzi?’
22
Kana muporofita akataura chinhu muzita raTenzi, chinhu chacho chikarega kuzoitika kana kuzovapo, ndicho chinhu chinenge chisina kutaurwa naTenzi. Muporofita iyeyo anenge akangotaura zvomusoro wake, regai kumutya.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa