|
| 1 |
|
| Kana Jehovha Mwari wenyu aparadza ndudzi dzaari kukupai nyika yadzo, uye kana muchinge madzidzinga mukagara mumaguta avo nedzimba dzavo, |
|
| 2 |
|
| ipapo muzvitsaurire maguta matatu ari pakati penyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu. |
|
| 3 |
|
| Mugadzire migwagwa inoenda kwaari uye mugoganhura, muzvikamu zvitatu nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, kuitira kuti ani naani anenge auraya munhu agotizirako. |
|
| 4 |
|
| Uyu ndiwo murayiro pamusoro pomunhu anenge auraya mumwe munhu anotizirako kuti aponese upenyu hwake, munhu anouraya muvakidzani wake asingazivi, asina kunge amuvenga kare. |
|
| 5 |
|
| Somuenzaniso, munhu anogona kupinda musango nomuvakidzani wake kundotema huni, paanosimudza demo kuti ateme muti, demo rovhomoka rotema muvakidzani wake ofa. Munhu iyeye anogona kutizira kune rimwe ramaguta aya agoponesa mweya wake. |
|
| 6 |
|
| Zvimwe, mutsivi weropa angamutevera mukutsamwa, akamubata kana rwendo rwuri rurefu kwazvo, akamuuraya kunyange zvake akanga asingafaniri kufa, sezvo asina kuzviita kumuvakidzani wake noruvengo. |
|
| 7 |
|
| Ndokusaka ndichikurayirai kuti muzvitsaurire maguta matatu. |
|
| 8 |
|
| Kana Jehovha Mwari wenyu achinge azokurisa nyika yenyu, sezvaakavimbisa madzitateguru enyu nemhiko, uye kana achinge akupai nyika yose yaakavimbisa, |
|
| 9 |
|
| nokuti mukachenjerera kutevera mirayiro iyi yose yandinokurayirai nhasi, kuti mude Jehovha Mwari wenyu uye mufambe munzira dzake nguva dzose, ipapo munofanira kutsaura maguta matatu. |
|
| 10 |
|
| Muite izvi kuitira kuti ropa risina mhosva rirege kuteurwa munyika yenyu, yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu, uye kuti murege kuva nemhosva yokuteura ropa. |
|
| 11 |
|
| Asi kana munhu achivenga muvakidzani wake akamuvandira, akamurova uye akamuuraya, akatizira kune rimwe ramaguta aya, |
|
| 12 |
|
| vakuru veguta rake vanofanira kutuma munhu kuti andomutora kubva kuguta, uye vagomuisa mumaoko omutsivi weropa kuti afe. |
|
| 13 |
|
| Musamunzwira tsitsi. Munofanira kubvisa muIsraeri mhosva yokuteurwa kweropa risina mhaka, kuitira kuti zvigokunakirai. |
|
| 14 |
|
| Musabvisa dombo romuganhu nomuvakidzani wenyu, rakaiswa nevakakutangirai munhaka yamunogamuchira munyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu. |
|
| 15 |
|
| Chapupu chimwe chete hachifaniri kupupurira munhu kuti agobatwa nemhosva yokupupura mhaka, kunyange dai akapara mhaka. Nyaya inofanira kusimbiswa nouchapupu hwevaviri kana vatatu. |
|
| 16 |
|
| Kana chapupu chenhema chikapupurira munhu kuti ane mhaka, |
|
| 17 |
|
| varume ava vari vaviri vari kuitirana nharo vanofanira kumira pamberi paJehovha napamberi pavaprista navatongi vanenge vachitonga panguva iyoyo. |
|
| 18 |
|
| Vatongi vanofanira kunyatsoferefeta nyaya iyi, zvino kana chapupu ichi chikabatwa kuti chinoreva nhema, chichipa uchapupu hwenhema pamusoro pehama yake, |
|
| 19 |
|
| ipapo itai kwaari sezvaanga achida kuita kuhama yake. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. |
|
| 20 |
|
| Vanhu vose vachanzwa izvi vagotya uye chakaipa chakadai hachizoitwizve pakati penyu. |
|
| 21 |
|
| Musaratidza tsitsi, upenyu noupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka. |
|
|
|
|