|
| 1 |
|
| “Zvino takadzoka, tikafamba tichipinda murenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakaudzwa naJehovha, tikapota-pota gomo reSeiri mazuva mazhinji. |
|
| 2 |
|
| “Zvino Jehovha akataura neni, akati, |
|
| 3 |
|
| ‘Mapota-pota gomo iri nguva yaringana; dzokai muende nechokumusoro.’ |
|
| 4 |
|
| Raira vanhu, uti, ‘Munofanira kupfuura nomunyika yehama dzenyu, vana Esau, vagere Seiri; ivo vachakutyai, saka chenjerai. |
|
| 5 |
|
| Musavavamba, nokuti handingakupiyi nyika yavo, kunyange pangatsikwa norutsoka; nokuti ndakapa Esau gomo reSeiri, rive rake. |
|
| 6 |
|
| Munofanira kutenga zvokudya kwavari nemari, mudye, nemvura munofanira kuitengawo kwavari, munwe. |
|
| 7 |
|
| “ ‘Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye unoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.’ |
|
| 8 |
|
| “Naizvozvo takapfuura hama dzedu, vana vaEsau, vagere Seiri, tikasiya nzira yokuMupata, inobva Erati napaEzioni-gebheri. “Takadzoka, tikapfuura nenzira yokurenje rokwaMoabhu. |
|
| 9 |
|
| Zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Usarwa navaMoabhu, kana kuvavamba pakurwa; nokuti handingakupi nyika yavo, ive yako; nokuti ndakapa Ari vana vaRoti, ive yavo.’ |
|
| 10 |
|
| “(Kare vaEmi vakanga vageremo, vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu, savaAnaki; |
|
| 11 |
|
| vanonzi vorudzi rwavaRefaimu, savaAnaki, asi vaMoabhu vanovaidza vaEmi. |
|
| 12 |
|
| NavaHoriwo vakanga vagere Seiri kare; asi vana vaEsau vakavatevera, vakavaparadza pamberi pavo, vakagara panzvimbo yavo; sezvakaita vaIsiraeri nenyika yavo yavakapiwa naJehovha ive yavo.) |
|
| 13 |
|
| “Zvino simukai, muyambuke rukova Zeredhi. Tikayambuka rukova Zeredhi. |
|
| 14 |
|
| Zvino mazuva okubva kwedu paKadheshi-bharinea kusvikira tayambuka rukova Zeredhi, aiva makore makumi matatu namasere; kusvikira rudzi rwose rwavarume vehondo vaparadzwa pakati pemisasa, sezvavakanga vapikirwa naJehovha. |
|
| 15 |
|
| Uye ruoko rwaJehovhawo rwairamba ruchirwa navo, kuti vaparadzwe pakati pemisasa kusvikira vapera. |
|
| 16 |
|
| “Zvino varume vose vehondo vakati vapera nokufa pakati pavanhu, |
|
| 17 |
|
| Jehovha akataura neni, akati, |
|
| 18 |
|
| ‘Nhasi unofanira kupfuura napaAri, pamuganhu waMoabhu; |
|
| 19 |
|
| kana woswedera pakatarisana navana vaAmoni, usarwa navo, kana kuvavamba; nokuti handingakupi nyika yavana vaAmoni, ive yako; nokuti ndakaipa vana vaRoti, ive yavo.’ |
|
| 20 |
|
| “Naiyowo yainzi inyika yavaRefaimu; vaRefaimu vakanga vageremo kare; asi vaAmoni vaivaidza vaZamuzumi; |
|
| 21 |
|
| vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu savaAnaki; asi Jehovha wakavaparadza pamberi pavo, vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo; |
|
| 22 |
|
| sezvaakaita navana vaEsau, vanogara Seiri, nguva yaakaparadza vaHori pamberi pavo, ivo vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo kusvikira nhasi; |
|
| 23 |
|
| vaAvhi, vakanga vagere mumisha kusvikira Gaza, vakaparadzwa navaKafitori, vakabva Kafitori, vakagara panzvimbo yavo. |
|
| 24 |
|
| “Simukai, mufambe, muyambuke rwizi Arinoni; tarirai, ndakaisa mumaoko enyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake; tangai kuitora, muvambe kurwa naye. |
|
| 25 |
|
| Nhasi dzichatanga kuvhundusa nokutyisa ndudzi dziri pasi pedenga rose pamusoro penyu, ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu, vachabvunda nokutya kwazvo pamusoro penyu. |
|
| 26 |
|
| “Zvino ndakatuma nhume tiri murenje reKedhemoti, kuna Sihoni, mambo weHeshibhoni, namashoko orugare, ndichiti, |
|
| 27 |
|
| ‘Nditendere kupfuura nomunyika yako, ndichafamba nenzira huru, handingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe. |
|
| 28 |
|
| Munganditengesera zvokudya nemari, ndidye; mungandipa mvura ndichiripa nemari, ndinwe, asi nditenderei henyu kupfuura namakumbo; |
|
| 29 |
|
| sezvandakaitirwa navana vaEsau vagere Seiri, navaMoabhu, vagere Ari; kusvikira ndayambuka Jorodhani, ndikapinda munyika yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.’ |
|
| 30 |
|
| Asi Sihoni, mambo weHeshibhoni, wakaramba kutitendera kupfuura nokwaari, nokuti Jehovha Mwari wako wakawomesa mweya wake, akarambidza mwoyo wake, kuti amuise iye muruoko rwako, sezvazvakaita nhasi. |
|
| 31 |
|
| Zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Tarira, ndatanga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri; tanga kutora, kuti nyika ive yako.’ |
|
| 32 |
|
| Ipapo Sihoni akauya, iye navanhu vake vose kuzorwa nesu paJahazi. |
|
| 33 |
|
| Jehovha Mwari wedu akamuisa mumaoko edu, tikamukunda, iye navana vake, navanhu vake vose. |
|
| 34 |
|
| Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza chose maguta ose aiva navanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku, hatina kusiya kunyange nomumwe. |
|
| 35 |
|
| Asi zvipfuwo zvoga takazvitora zvive zvedu zvatakatapa, pamwechete nezvatakapamba pamaguta atakakunda. |
|
| 36 |
|
| Kubva paAroeri pamuuyo worwizi Arinoni, nokuguta riri parwizi, kusvikira Gireadhi, kwakanga kusina guta rakatikurira; Jehovha Mwari wedu wakaaisa ose pamaoko edu; |
|
| 37 |
|
| asi hamuna kuswedera kunyika yavana vaAmoni; kurutivi rwose rworwizi Jabhoki, namaguta enyika yamakomo, napose patakanga tadziviswa naJehovha Mwari wedu. |
|
|
|
|