|
| 1 |
|
| "Kana ukabuda kundorwa navavengi vako, ukaona mabhiza, nengoro navanhu vakawanda kupfuura iwe, usavatya; nokuti Jehovha Mwari wako unewe, iye wakakubudisa panyika yeIjipiti. |
|
| 2 |
|
| Zvino kana moswedera pakurwa, muprista anofanira kuuya kuzotaura navanhu, |
|
| 3 |
|
| achiti kwavari, `Inzwai imwi Isiraeri, nhasi moswedera pakurwa navavengi venyu, moyo yenyu ngairege kupera simba; regai kutya kana kudedera, kana kuvhunduka pamberi pavo; |
|
| 4 |
|
| nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unoenda nemi, kukurwirai pavavengi venyu, kukuponesai.' |
|
| 5 |
|
| "Navakuru vanofanira kutaura navanhu, vachiti, `Pano munhu here wakavaka imba itsva, uchigere kutanga kuigara? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akatanga kuigara. |
|
| 6 |
|
| Uye, pano munhu here wakarima munda wemizambiringa, uchigere kudya michero yawo? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akadya michero yawo. |
|
| 7 |
|
| Uye, pano munhu here wakanyenga musikana, uchigere kumuwana? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akamuwana.' |
|
| 8 |
|
| "Uye vakuru vanofanira kutaurawo kuvanhu, vachiti, ‘Pano munhu here unotya, unomoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake; kuti moyo yehama dzake irege kunyauka somoyo wake.' |
|
| 9 |
|
| Zvino kana vakuru vapedza kutaura navanhu, vanofanira kugadza vatariri vehondo vangatungamirira vanhu. |
|
| 10 |
|
| "Kana woswedera pedo neguta kuti urwe naro, unofanira kuriparidzira rugare. |
|
| 11 |
|
| Zvino kana ivo vachikupindura norugare, vakakuzarurira masuo avo, ipapo vanhu vose vanowanikwa mukati maro vanofanira kukuteerera mutero nokukubatira. |
|
| 12 |
|
| Kana vasingadi kuyanana newe, asi kurwa newe, iwe unofanira kurikomba; |
|
| 13 |
|
| kana Jehovha Mwari wako akariisa mumaoko ako, unofanira kuparadza varume vose varimo nomunondo unopinza; |
|
| 14 |
|
| asi vakadzi, nepwere, nemombe, nezvose zviri muguta, zvose zvingapambwa, unofanira kuzvitapira izvo; iwe uchadya zvakapambwa kuvavengi vako, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako. |
|
| 15 |
|
| Unofanira kuita saizvozvo namaguta ose ari kure kwazvo newe, asati ari maguta endudzi idzi. |
|
| 16 |
|
| "Asi kana ari maguta avanhu ava, vaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti vave nhaka yako, haufaniri kurega chinhu chimwe chinofema chiri chipenyu; |
|
| 17 |
|
| asi unofanira kuvaparadza chose, ivo vaHeti, navaAmori, naKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi; sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako; |
|
| 18 |
|
| kuti varege kukudzidzisai kuita zvose zvavo zvinonyangadza, zvavakaitira vamwari vavo; imwi mukatadzira Jehovha Mwari wenyu. |
|
| 19 |
|
| "Kana ukakomba guta nguva refu, uchirwa naro, kuti urikunde, haufaniri kuparadza miti yaro, uchiitema nesanhu; ungaidya, haufaniri kuitema; nokuti muti womusango munhu here, kuti ukombwe newe? |
|
| 20 |
|
| Asi miti yaunoziva kuti miti isingadyiwi, unofanira kuiparadza uchiitema; guta rinorwa newe unofanira kurivakira mhanda kusvikira rakundwa. |
|
|
|
|