|
| 1 |
|
| Zvino Mozisi navakuru veIsraeri vakarayira vanhu vachiti, “Chengetai mirayiro iyi yose yandinokupai nhasi. |
|
| 2 |
|
| Kana muchinge mayambuka Jorodhani muchipinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, munofanira kumisa mabwe makuru mugoapenda nesuko. |
|
| 3 |
|
| Mugonyora pamusoro pawo mashoko ose nomurayiro uyu kana muchinge mayambuka mhiri kuti mupinde munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu. |
|
| 4 |
|
| Zvino kana muchinge mayambuka Jorodhani, misai mabwe aya paGomo reEbhari, sezvandakurayirai nhasi, mugoapenda nesuko. |
|
| 5 |
|
| Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu ipapo, aritari yamabwe. Musashandisa simbi pakumisa mabwe aya. |
|
| 6 |
|
| Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu namabwe asina kuvezwa uye mugobayirapo kuna Jehovha Mwari wenyu zvipiriso zvinopiswa. |
|
| 7 |
|
| Mubayire zvipiriso zvokuyanana ipapo, muzvidye uye muchipembera pamberi paJehovha Mwari wenyu. |
|
| 8 |
|
| Uye munofanira kunyora mashoko aya ose omurayiro pamabwe amakamisa aya zvinonyatsoonekwa.” |
|
| 9 |
|
| Ipapo Mozisi navaprista vanova vaRevhi, vakataura kuvaIsraeri vose vakati, “Nyararai imi Israeri, uye muteerere! Iye zvino mava rudzi rwaJehovha Mwari wenyu. |
|
| 10 |
|
| Naizvozvo teererai Jehovha Mwari wenyu uye mugotevera mirayiro nemitemo yandinokupai nhasi.” |
|
| 11 |
|
| Pazuva rimwe chetero Mozisi akarayira vanhu achiti: |
|
| 12 |
|
| Kana muchinge mayambuka Jorodhani, aya ndiwo marudzi anofanira kundomira pamusoro peGomo reGerizimi kuti varopafadze vanhu: Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa naBhenjamini. |
|
| 13 |
|
| Uye marudzi aya ndiwo achamira paGomo reEbhari kuti vadanidzire kutuka: Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuruni, Dhani, naNafutari. |
|
| 14 |
|
| VaRevhi vachataura kuvanhu vose veIsraeri nenzwi guru vachiti: |
|
| 15 |
|
| “Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakaumbwa, chinhu chinonyangadza Jehovha, basa ramaoko emhizha, uye agochimisa pakavanzwa.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” |
|
| 16 |
|
| “Ngaatukwe munhu anozvidza baba kana mai vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni.” |
|
| 17 |
|
| “Ngaatukwe munhu anoshandura muganhu womuvakidzani wake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” |
|
| 18 |
|
| “Ngaatukwe munhu anotsausa bofu panzira.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” |
|
| 19 |
|
| “Ngaatukwe munhu anorega kururamisira mutorwa, nherera kana chirikadzi.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” |
|
| 20 |
|
| “Ngaatukwe munhu anovata nomukadzi wababa vake, nokuti azvidza nhoo yababa vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” |
|
| 21 |
|
| “Ngaatukwe munhu anovata nemhuka ipi zvayo.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” |
|
| 22 |
|
| “Ngaatukwe munhu anovata nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” |
|
| 23 |
|
| “Ngaatukwe munhu anovata namai vomukadzi wake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” |
|
| 24 |
|
| “Ngaatukwe munhu anouraya muvakidzani pakavanda.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” |
|
| 25 |
|
| “Ngaatukwe munhu anogamuchira fufuro kuti auraye munhu asina mhosva.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” |
|
| 26 |
|
| “Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu nokuaita.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” |
|
|
|
|