|
| 1 |
|
| “Zvino kana uchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wako, nokuchenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako uchakukurisa kupfuura ndudzi dzose dziri panyika. |
|
| 2 |
|
| Kuropafadzwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako, kana uchiteerera izwi raJehovha Mwari wako. |
|
| 3 |
|
| Ucharopafadzwa muguta, ucharopafadzwa mumunda. |
|
| 4 |
|
| Zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako, zvicharopafadzwa. |
|
| 5 |
|
| Dengu rako, nomudziyo wako wokukanyira chingwa, zvicharopafadzwa. |
|
| 6 |
|
| Ucharopafadzwa kana uchipinda, ucharopafadzwa kana uchibuda. |
|
| 7 |
|
| Jehovha uchakukundisa vavengi vako, vanokumukira, pamberi pako; vachauya kuzorwa newe nenzira imwe, vachatiza pamberi pako nenzira nomwe. |
|
| 8 |
|
| “Jehovha ucharaira kuti uropafadzwe pamatura ako, napazvose zvaunobata namaoko ako; uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. |
|
| 9 |
|
| “Jehovha uchakusimbisa, kuti uve rudzi rwake rutsvene, sezvaakakupikira; kana uchichengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake. |
|
| 10 |
|
| Vanhu vose venyika vachaona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehovha; vachakutya. |
|
| 11 |
|
| Jehovha uchakuwanzira mufaro pazvibereko zvomuviri wako, napazvibereko zvemombe dzako, napazvibereko zvevhu rako, panyika yakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuti uchakupa iyo. |
|
| 12 |
|
| Jehovha uchakuzarurira pfuma yake yakanaka yokudenga, akupe mvura yenyika yako nenguva yayo; nokuropafadza mabasa ose amaoko ako; iwe uchapa ndudzi zhinji chikwereti. |
|
| 13 |
|
| Jehovha uchakuita musoro, haangakuiti muswe; uchava kumusoro bedzi, haungavi pasi; kana uchiteerera mirairo yaJehovha Mwari wako, yandinokuraira nhasi, uchishingaira kuiita; |
|
| 14 |
|
| usingatsauki pane rimwe ramashoko andinokuraira, kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire. |
|
| 15 |
|
| “Asi kana uchiramba kuteerera izwi raJehovha Mwari wako kuti uchenjere kuita mirairo yake yose, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako. |
|
| 16 |
|
| Uchatukwa muguta, uchatukwa mumunda. |
|
| 17 |
|
| “Dengu rako richatukwa, nomudziyo wako wokukanyira chingwa. |
|
| 18 |
|
| “Zvibereko zvomuviri wako zvichatukwa, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako. |
|
| 19 |
|
| Uchatukwa kana uchipinda, uchatukwa kana uchibuda. |
|
| 20 |
|
| Jehovha uchatuma pamusoro pako kutukwa, nokunyonganiswa, nokurangwa, pazvose zvaunobata namaoko ako, kusvikira waparadzwa, uye kusvikira wakurumidza kupera, nokuda kwezvakaipa zvaunoita, zvawakandisiya nazvo. |
|
| 21 |
|
| Jehovha uchakunamatidza denda, kusvikira akupedza kunyika kwaunoenda, kuti ive yako. |
|
| 22 |
|
| Jehovha uchakurova norukosoro, nefivhiri, nokupisa kwomuviri, nokuvaviswa kwazvo, uye nokushaiwa mvura, nenyunje, nokuvhuvha; izvo zvichakuteverera kusvikira waparadzwa. |
|
| 23 |
|
| Denga rako riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare. |
|
| 24 |
|
| Jehovha uchashandura mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichaburukira pamusoro pako zvichibva kudenga, kusvikira waparadzwa. |
|
| 25 |
|
| “Jehovha uchatendera kuti ukundwe navavengi vako; uchabuda kundorwa navo nenzira imwe, uchatiza pamberi pavo nenzira nomwe; uchava chinhu chinotyisa pakati poushe hwose hwenyika. |
|
| 26 |
|
| Zvitunha zvako zvichava zvokudya zveshiri dzose dzokudenga nezvikara zvenyika, kusina munhu unozvidzinga. |
|
| 27 |
|
| Jehovha uchakurova namamota eIjipiti, namaronda, nemhezi, nokufunuka, zvicharamba kupora. |
|
| 28 |
|
| Jehovha uchakurova nokupenga, noupofu, uye nokukanganiswa kwomwoyo; |
|
| 29 |
|
| uchatsvangadzira masikati, sebofu rinotsvangadzira murima, haungafari panzira dzako; ucharemedzwa nokubirwa nguva dzose, hakungavi nomunhu unokurwira. |
|
| 30 |
|
| Uchapfimba mukadzi, asi mumwe murume uchavata naye; uchavaka dzimba, asi haungagarimo; ucharima munda wemizambiringa, asi haungadyi michero yayo. |
|
| 31 |
|
| Mombe yako ichabayiwa uchizviona, asi haungaidyi; mbongoro yako ichatorwa nesimba uchizviona, asi haingadzoserwi kwauri; makwai ako achapiwa vavengi vako, haungawani unokurwira. |
|
| 32 |
|
| Vanakomana vako navanasikana vako vachapiwa rumwe rudzi; meso ako achatarira, ukaneta kuvashuva zuva rose; asi uchashaiwa simba paruoko rwako. |
|
| 33 |
|
| Zvibereko zvevhu rako, nezvamabasa ako, zvichadyiwa norudzi rwausingazivi; uchangoremedzwa nokutambudzwa nguva dzose. |
|
| 34 |
|
| Uchapengeswa nezvauchaona nameso ako. |
|
| 35 |
|
| Jehovha uchakurova pamabvi ako, napamakumbo ako, namamota anorwadza, acharamba kupora, kubva parutsoka kusvikira pamusoro pomusoro wako. |
|
| 36 |
|
| Jehovha uchakuisa iwe namambo wako wauchazvitsaurira kurudzi rwawakanga usingazivi iwe namadzibaba ako; zvino uchandoshumirapo vamwe vamwari vamatanda namabwe. |
|
| 37 |
|
| Iwe uchaitwa chishamiso, netsumo, nechiseko, pakati pavanhu vose kwauchandoiswa naJehovha. |
|
| 38 |
|
| “Uchatakurira mbeu zhinji kumunda, asi uchaunganidza zvishoma; nokuti zvichapedzwa nemhashu. |
|
| 39 |
|
| Ucharima minda yemizambiringa nokuigadzira, asi haunganwi waini yayo, kana kutanha mazambiringa; nokuti achadyiwa namakonye. |
|
| 40 |
|
| Uchava nemiti yemiorivhi panyika yako yose, asi haungazori mafuta ayo, nokuti miorivhi yako ichazuka. |
|
| 41 |
|
| Uchabereka vanakomana navanasikana, asi havangavi vako, nokuti vachatapwa. |
|
| 42 |
|
| Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvichadyiwa nemhashu. |
|
| 43 |
|
| “Mutorwa ugere pakati pako ucharamba achikwirira kupfuura iwe; iwe ucharamba uchiderera. |
|
| 44 |
|
| Iye uchakupa chikwereti, asi iwe haungamupi chikwereti; iye uchava musoro, iwe uchava muswe. |
|
| 45 |
|
| “Kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, nokukutevera, nokukubata, kusvikira waparadzwa; nokuti hauna kuteerera izwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvaakakuraira. |
|
| 46 |
|
| Zvichava pamusoro pako napamusoro pavana vako, zvive zviratidzo nezvishamiso nokusingaperi; |
|
| 47 |
|
| nokuti hauna kushumira Jehovha Mwari wako nomufaro, nomwoyo unofara, nokuda kwokuwanda kwezvose. |
|
| 48 |
|
| Naizvozvo uchafanira kubatira vavengi vako, vauchatumirwa naJehovha kuti urwe navo, uchinzwa nzara nenyota, uchishaiwa zvokufuka nezvose izvi; iye uchaisa joko redare pamutsipa wako, kusvikira akuparadza. |
|
| 49 |
|
| Jehovha achauyisa rudzi runobva kure kuzorwa newe, runobva kumagumisiro enyika, segondo rinobhururuka, rudzi rwausinganzwisisi rurimi rwarwo; |
|
| 50 |
|
| rudzi rune hasha, rusingarangariri vatana, kana kunzwira majaya tsitsi. |
|
| 51 |
|
| Vachadya zvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvevhu rako, kusvikira waparadzwa; havangakusiyiri zviyo, kana waini, kana mafuta, kana zvakaberekwa nemhou dzako, kana makwayana amakwai ako, kusvikira waparadzwa navo. |
|
| 52 |
|
| Vachakukomba pamasuwo ako ose, kusvikira masvingo ako marefu ane simba aya ose, awakatenda munyika yako yose; vachakukomba pamasuwo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehovha Mwari wako. |
|
| 53 |
|
| “Uchadya zvibereko zvomuviri wako, nyama yavanakomana vako navanasikana vako, vawakapiwa naJehovha Mwari wako, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako. |
|
| 54 |
|
| Murume uno undere nouno unengwe kwazvo pakati pako uchava nomufungo wakaipa kuhama yake, nokumukadzi wake waanoda, nokuvana vake vaanenge asarirwa navo; |
|
| 55 |
|
| haangapi mumwe wavo nyama yavana vake vaachadya, nokuti iye haangavi nechaakasarirwa nacho, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuwo ako ose. |
|
| 56 |
|
| Mukadzi uno undere nouno unengwe pakati pako, wakanga asingadi kutsika pasi norutsoka rwake nokuda kwounengwe hwake noundere hwake, uchava nomufungo wakaipa kumurume wake waanoda, namwanakomana wake, nomwanasikana wake; |
|
| 57 |
|
| nokumwana wake muduku, waachangobereka, nokuvana vake vaachazobereka; nokuti uchadya pakavanda nokuda kwokushaiwa zvinhu zvose, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuwo ako. |
|
| 58 |
|
| “Kana usingachenjeri kuita mashoko ose omurairo uyu, akanyorwa mubhuku iyi, kuti utye zita iri rinobwinya nerinotyisa, rinoti: JEHOVHA MWARI WAKO; |
|
| 59 |
|
| Jehovha uchakurova iwe navana vako namatambudziko anoshamisa, matambudziko makuru, asingakurumidzi kupera, namatenda akaipa, asingakurumidzi kupera. |
|
| 60 |
|
| Uchauyisazve pamusoro pako zvirwere zvose zveIjipiti, zvawakanga uchitya, kuti zvikunamatire. |
|
| 61 |
|
| Namatenda ose, namatambudziko ose, asina kunyorwa mubhuku yomurairo uyu, ndiwo achauyiswa naJehovha pamusoro pako, kusvikira waparadzwa. |
|
| 62 |
|
| Muchasara mava vashoma, kunyangwe makanga muri vazhinji senyenyedzi dzokudenga; nokuti hauna kuteerera izwi raJehovha Mwari wako. |
|
| 63 |
|
| Zvino Jehovha sezvaakanga achikufarirai achida kukuitirai zvakanaka, nokukuwanzai, saizvozvo Jehovha uchafara pamusoro penyu kukupedzai nokukuparadzai; muchadzurwa kunyika kwaunoenda, kuti ive yako. |
|
| 64 |
|
| Jehovha uchakukandira pakati pendudzi dzose, kubva pamugumo mumwe wenyika kusvikira kuno mumwe mugumo; ipapo uchandoshumira vamwe vamwari vawakanga usingazivi, iwe namadzibaba ako, vamwari vamatanda navamabwe. |
|
| 65 |
|
| Pakati pendudzi idzo haungawani zororo, netsoka dzako hadzingawani pokuzorora; asi Jehovha uchakupa ipapo mwoyo unowonda; |
|
| 66 |
|
| upenyu hwako hucharembera pamberi pako, uchatya usiku namasikati, haungazivi kana uchararama; |
|
| 67 |
|
| mangwanani uchati, ‘Dai aiva madekwana!’ Madekwana uchati, ‘Dai aiva mangwanani!’ Nokudya kwomwoyo wako, zvauchaona nameso ako. |
|
| 68 |
|
| Jehovha uchakuisazve Ijipiti nezvikepe nenzira yandakati kwauri, ‘Hauchazoionizve;’ ipapo muchandozvitengesa kuvavengi venyu, kuti muve varanda navarandakadzi, asi hakungavi nomunhu uchakutengai.” |
|
|
|
|