|
| 1 |
|
| Ndiwo mashoko esungano yakarairwa Mosesi naJehovha, kuti aiite navana VaIsiraeri panyika yaMoabhu, kunze kwesungano yaakaita navo paHorebhu. |
|
| 2 |
|
| Zvino Mosesi akadana VaIsiraeri vose, akati kwavari, “Makaona zvose zvakaitwa naJehovha pamberi penyu panyika yeIjipiti kuna Farao navaranda vake vose, nokunyika yake yose; |
|
| 3 |
|
| miidzo iya mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvishamiso zviya zvikuru. |
|
| 4 |
|
| Asi Jehovha haana kukupai mwoyo inoziva, nameso anoona, nenzeve dzinonzwa kusvikira nhasi. |
|
| 5 |
|
| Ndakakutungamirirai murenje makore ana makumi mana; nguo dzenyu hadzina kukusakarirai, neshangu dzako hadzina kusakara patsoka dzenyu. |
|
| 6 |
|
| Hamuna kudya chingwa, kana kunwa waini nezvinodhaka; kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu. |
|
| 7 |
|
| Zvino makati muchisvika panzvimbo ino, Sihoni, mambo weHeshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, vakauya kuzorwa nesu, tikavakunda; |
|
| 8 |
|
| tikatora nyika yavo, tikaipa vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive nhaka yavo. |
|
| 9 |
|
| Naizvozvo chengetai mashoko esungano iyi, muiite, kuti mufare pazvose zvamunoita. |
|
| 10 |
|
| “Mumire nhasi mose pamberi paJehovha Mwari, vatungamiriri venyu, namarudzi enyu, navakuru venyu, navatariri venyu, ivo varume vose VaIsiraeri, |
|
| 11 |
|
| nepwere dzenyu, navakadzi venyu, navatorwa vako vari pakati pemisasa yako, kubva pavatemi vehuni dzako kusvikira kuvacheri vemvura yako; |
|
| 12 |
|
| kuti upinde pasungano yaJehovha Mwari wako, napakupika kwake kwaanokupikira nhasi iye Jehovha Mwari wako; |
|
| 13 |
|
| kuti akusimbise nhasi uve rudzi rwake, iye ave Mwari wako, sezvaakataura kwauri, uye sezvaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho. |
|
| 14 |
|
| Handiiti sungano iyi nokupika uku nemi moga; |
|
| 15 |
|
| asi naivo vamire pano nesu nhasi pamberi paJehovha Mwari wedu uye navasipo nesu nhasi. |
|
| 16 |
|
| “(Nokuti munoziva kugara kwedu panyika yeIjipiti, nokufamba kwedu pakati pendudzi, dzamakapfuura pakati padzo; |
|
| 17 |
|
| mukaona zvinonyangadza zvavo, nezvifananidzo zvavo zvamatanda nezvamabwe, nesirivha nendarama, zvakanga zviri pakati pavo;) |
|
| 18 |
|
| kuti pakati penyu parege kuva nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, vano mwoyo unotsauka kuna Jehovha Mwari wedu nhasi, kuti vandoshumira vamwari vendudzi idzo; kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka zvinouraya negavakava; |
|
| 19 |
|
| zvino kana achinzwa mashoko okupika uku, azvirumbidze pamwoyo wake, achiti, ‘Ndichava norugare, kunyangwe ndichifamba hangu noukukutu hwomwoyo wangu, kuti zvakanyorova nezvakaoma zviparadzwe pamwechete’; |
|
| 20 |
|
| Jehovha haangamukanganwiri, asi nenguva iyo kutsamwa kwaJehovha neshungu dzake zvichapfungairira munhu uyo, nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iyi kuchamunamatira; Jehovha uchadzima zita rake pasi pokudenga. |
|
| 21 |
|
| Jehovha uchamutsaurira zvakaipa zvose pakati pamarudzi ose aIsiraeri, kuti atukwe nokutuka kwose kwesungano yakanyorwa muBhuku iri roMurairo. |
|
| 22 |
|
| Zvino rudzi runotevera, ivo vana venyu vachamuka pashure penyu, navatorwa vanobva kunyika iri kure, kana vachiona matambudziko enyika iyo, namatenda aicharwadziswa nawo naJehovha; |
|
| 23 |
|
| uye kuti nyika yose isuferi, nomunyu, nokutsva, kuti haidyarwi, haimedzi, uye kuti uswa hahumerimo, sapakuparadzwa kweSodhoma neGomora, neAdhama neZebhoimu, aya maguta akaparadzwa naJehovha pakutsamwa kwake neshungu dzake; |
|
| 24 |
|
| uye ndudzi dzose dzichati, ‘Jehovha wakaitira nyika iyo saizvozvo neiko? Kupisa kwokutsamwa uku kukuru kunoti kudiniko?’ |
|
| 25 |
|
| Zvino vanhu vachati, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, yaakaita navo nguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti; |
|
| 26 |
|
| vakashumira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, vamwari vavakanga vasingazivi, vavasina kupiwa naye’; |
|
| 27 |
|
| naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kwose kwakanyorwa muBhuku iri. |
|
| 28 |
|
| Jehovha akavadzipura panyika yavo nokutsamwa kwake neshungu dzake nehasha dzake huru, akavarashira kune imwe nyika, sezvazvakaita nhasi. |
|
| 29 |
|
| “Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJehovha Mwari wedu; asi zvinhu zvakaratidzwa pachena ndezvedu, isu navana vedu nokusingaperi, kuti tiite mashoko ose omurairo uyu. |
|
|
|
|