|
| 1 |
|
| “Zvino takadzoka, tikakwira nenzira inoenda Bhashani; Ogi, mambo weBhashani, akabuda, iye navanhu vake vose, kuzorwa nesu paEdhirei. |
|
| 2 |
|
| Jehovha akati kwandiri, ‘Usamutya, nokuti ndakamuisa paruoko rwako, iye navanhu vake vose, nenyika yake; unofanira kuita naye sezvawakaitira Sihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni.’ |
|
| 3 |
|
| “Naizvozvo Jehovha Mwari wedu wakaisa mumaoko edu naiye Ogiwo, mambo weBhashani, navanhu vake vose; tikamukunda kusvikira asina munhu waakasiyirwa. |
|
| 4 |
|
| Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose; kwakanga kusina guta rimwe ratisina kumutorera, maguta ana makumi matanhatu, nenyika yose yeArigobhu, noushe hwaOgi muBhashani. |
|
| 5 |
|
| Iwo akanga ari maguta akapoteredzwa ose namasvingo marefu, namasuo, namazariro, kunze kwemisha mizhinji-zhinji yakanga isina masvingo. |
|
| 6 |
|
| Tikaaparadza chose, sezvatakaitira Sihoni, mambo weHeshibhoni, tikaparadza chose maguta ose akanga ana vanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku. |
|
| 7 |
|
| Asi zvipfuwo zvose, nezvakapambwa pamaguta awo, izvo takazvitapa isu. |
|
| 8 |
|
| “Nenguva iyo takatorera madzimambo maviri avaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJorodhani, nyika yavo kubva parwizi Arinoni, kusvikira pagomo reHerimoni; |
|
| 9 |
|
| (Herimoni rinotumidzwa Sirioni navaSidhoni, asi vaAmori vanoritumidza Seniri;) |
|
| 10 |
|
| maguta ose ebani, neGireadhi rose, neBhashani rose, kusvikira paSareka neEdhirei, iwo maguta oushe hwaOgi muBhashani. |
|
| 11 |
|
| “(Nokuti Ogi, mambo weBhashani, ndiye woga wakanga asara kuna vakanga vasara vavaRefaimu; mubhedha wake wakanga uri wamatare; ko hauzi paRabha ravana vaAmoni here? Kureba kwawo kwakanga kuchisvika pamakubhiti mapfumbamwe, noupamhi hwawo pamakubhiti mana, kana zvichienzaniswa nekubhiti romunhu.) |
|
| 12 |
|
| “Nyika iyi takaitora nenguva iyo, ikava yedu; ndikapa vaRubheni navaGadhi nyika inobva paAroeri, parwizi Arinoni, nehafu yenyika yamakomo yeGireadhi, namaguta ayo; |
|
| 13 |
|
| ndikapa hafu yorudzi rwaManase pakanga pasara paGireadhi, neBhashani rose, ushe hwaOgi, nenyika yose yeArigobhu, ndiro Bhashani rose.” (Ndiyo inonzi nyika yavaRefaimu. |
|
| 14 |
|
| Jairi mwanakomana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira pamuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza, iro Bhashani rose, zita rake, Havhoti-jairi, kusvikira nhasi.) |
|
| 15 |
|
| “Ndikapa Makiri Gireadhi. |
|
| 16 |
|
| Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa kubva paGireadhi kusvikira parwizi Arinoni, uye pakati pomupata nenyika yawo, kusvikira parwizi Jabhoki, ndiyo nyika yavana vaAmoni. |
|
| 17 |
|
| Uye noMupata, neJorodhani, nenyika inobva paKinereti, kusvikira kugungwa roMupata, ndiro Gungwa roMunyu, pajinga pegomo rePisiga, kumabvazuva. |
|
| 18 |
|
| “Nenguva iyo ndakakurairai, ndikati, ‘Jehovha Mwari wenyu wakakupai nyika iyo kuti ive yenyu; zvino munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu, vana vaIsiraeri, makashonga nhumbi dzokurwa, imi varume vose mhare. |
|
| 19 |
|
| Asi vakadzi venyu, navana venyu vaduku, nezvipfuwo zvenyu (ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvizhinji), izvo zvinofanira kusara mumaguta andakakupai; |
|
| 20 |
|
| kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, kuti naivo vave nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani; ipapo mungadzokera mumwe nomumwe kunhaka yake, yandakakupai.’ |
|
| 21 |
|
| “Nenguva iyo ndikarairawo Joshua, ndikati, ‘Meso ako akaona zvose zvakaitirwa madzimambo awa maviri naJehovha Mwari wenyu; saizvozvo Jehovha uchaitira ushe hwose kwamunoyambuka. |
|
| 22 |
|
| Hamufaniri kuvatya, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unokurwirai.’ |
|
| 23 |
|
| “Nenguva iyo ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati, |
|
| 24 |
|
| ‘Imi Jehovha Mwari, makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu, noruoko rwenyu rune simba; nokuti ndoupiko mwari kudenga kana panyika ungaita zvakafanana namabasa enyu, nesimba renyu? |
|
| 25 |
|
| Donditenderai henyu kuyambuka, ndione nyika yakanaka iri mhiri kwaJorodhani, negomo rio rakanaka, neRebhanoni.’ |
|
| 26 |
|
| “Asi Jehovha wakanditsamwira nokuda kwenyu, akasandinzwa; Jehovha akati kwandiri, ‘Zvaringana! Chirega kuzotaurazve neni pamusoro peshoko iro.’ |
|
| 27 |
|
| Kwira pamusoro-soro pePisiga, utarire kumavirazuva, nokumusoro, nezasi nokumabvazuva, uone nameso ako; nokuti haungayambuki Jorodhani urwu. |
|
| 28 |
|
| Asi raira Joshua, umutse mwoyo wake nokumusimbisa, nokuti iye uchayambuka pamberi pavanhu ava, iye uchavagarisa nhaka yenyika yauchaona. |
|
| 29 |
|
| “Zvino tikagara pamupata wakatarisana neBheti-peori.” |
|
|
|
|