|
| 1 |
|
| Inzwa iwe denga, ndichataura; Nenyika ngainzwe mashoko omuromo wangu; |
|
| 2 |
|
| Kudzidzisa kwangu kuchadonha semvura, Kutaura kwangu kuchayerera sedova, Seguti pabumhudza nyoro, Sokupfunha kwemvura pauswa; |
|
| 3 |
|
| Nokuti ndichaparidza zita raJehovha; Rumbidzai ukuru hwaMwari wedu. |
|
| 4 |
|
| Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; Nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari akatendeka, usinganyengeri, Wakarurama, ndewezvokwadi. |
|
| 5 |
|
| Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo; Ivo rudzi rwakatsauka, rwakakombama. |
|
| 6 |
|
| Munoripira Jehovha saizvozvo here, Nhai, imi mapenzi asina kungwara? Ko haazi baba vako vakakubereka here? Ndiye wakakuita, nokukusimbisa. |
|
| 7 |
|
| Rangarira mazuva ekare, Funga makore amarudzi mazhinji; Bvunza baba vako, ndivo vachakuratidza; Navatana vako, ndivo vachakuudza. |
|
| 8 |
|
| Wokudenga–denga nguva yaakapa ndudzi nhaka yadzo, Nguva yaakaparadzanisa vana vavanhu, Wakatema miganhu yendudzi Achirangarira kuwanda kwavana VaIsiraeri. |
|
| 9 |
|
| Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake; Jakobho ndiyo nhaka yake yakayerwa. |
|
| 10 |
|
| Wakamuwana munyika yesango, Murenje risina chinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuchengeta semboni yeziso rake; |
|
| 11 |
|
| Segondo rinomutsa vana varo, Richiengerera pamusoro pavana varo, Richitambanudza mapapiro aro, richivagamuchira, Richivabereka pamapapiro aro; |
|
| 12 |
|
| Saizvozvo Jehovha, iye oga, wakamutungamirira, Kwakanga kusina mwari wokumwe kwaari. |
|
| 13 |
|
| Wakamutasvisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Wakadya michero yeminda; Wakamusvutidza uchi hunobva padombo, Namafuta anobva padombo romusarasara, |
|
| 14 |
|
| Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamwechete namafuta amakwayana, Namakondohwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi, Namafuta etsvo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiringa. |
|
| 15 |
|
| Asi Jeshuruni wakazokora, ndokupfura, Iwe wakakora, wakava mukobvu, ukava namafuta, Zvino iye akarasha Mwari akamuita, Akazvidza dombo rakamuchengeta. |
|
| 16 |
|
| Vakamugodoresa navamwari vokumwe, Vakamutsamwisa nezvinonyangadza; |
|
| 17 |
|
| Vakabayira mweya yakaipa, yakanga isi Mwari, Vatsva vakanga vachangomuka, Zvakanga zvisingatyiwi namadzibaba enyu. |
|
| 18 |
|
| Dombo, rakakubereka, haurirangariri, Wakakanganwa Mwari akakupona. |
|
| 19 |
|
| Jehovha akazviona, akavarasha, Nokuti wakatsamwiswa navanakomana vake navanasikana vake. |
|
| 20 |
|
| Akati, “Ndichavavanzira chiso changu, Ndinoda kuona kuguma kwavo, kuti kwakadiniko; Nokuti ivo rudzi rwakatsauka kwazvo. Vana vasina kutendeka chose. |
|
| 21 |
|
| Vakamutsa godo rangu nechinhu chisati chiri Mwari; Vakanditsamwisa nezvinhu zvavo zvisina maturo; Neniwo ndichavagodoresa navasati vari vanhu; Ndichavatsamwisa norudzi runopenga. |
|
| 22 |
|
| Nokuti moto wakabatidzwa pakutsamwa kwangu, Unopisa kusvikira pasi kugomba ravakafa, Unoparadza nyika nezvibereko zvayo, Unotungidza nheyo dzamakomo. |
|
| 23 |
|
| Ndichatutira njodzi pamusoro pavo, Ndichapedza miseve yangu ndichivapfura. |
|
| 24 |
|
| Vachaonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaisvoipa; Ndichatuma meno ezvikara kwavari, Pamwechete nomuti unouraya wezvinokambaira muguruva. |
|
| 25 |
|
| Munondo uchavatorera kunze, Nokutyisa mudzimba dzomukati; Zvichaparadza jaya nemhandara, Mwana unomwa pamwechete navarume, vachena vhudzi.” |
|
| 26 |
|
| Ndakati, ndichavafuridzira kure, Ndichagumisa kurangarirwa kwavo pakati pavanhu; |
|
| 27 |
|
| Dai ndisina kutya kutsamwa kwavavengi, Kuti vavengi vavo vasanzwisisa, Vakati, “Ruoko rwedu ndirwo rwakakunda, Haazi Jehovha akaita izvozvo zvose.” |
|
| 28 |
|
| Nokuti ivo rudzi rusina mano, Hakuna kunzwisisa pakati pavo. |
|
| 29 |
|
| Dai vakanga vakachenjera, vangadai vakazvinzwisisa, Vangadai vakaona kuguma kwavo! |
|
| 30 |
|
| Munhu mumwe ungadzinga seiko vanhu vane chiuru chezana, Navanhu vaviri vangatizisa seiko vanhu vane zviuru zvine gumi, Kana dombo ravo risina kuvatengesa, NaJehovha asina kuvaisa mumaoko avo? |
|
| 31 |
|
| Nokuti dombo ravo harina kufanana nedombo redu, Kunyangwe vavengi vedu vomene vachitonga. |
|
| 32 |
|
| Nokuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa weSodhoma, Napaminda yeGomora; Mazambiringa avo mazambiringa enduru, Masumbu awo anovava; |
|
| 33 |
|
| Waini yavo uturu hwenyoka, Nouturu hunouraya kwazvo hwemhungu. |
|
| 34 |
|
| Ko izvi hazvina kuunganidza kwandiri here? Hazvina kufunhurwa pakati pepfuma yangu here? |
|
| 35 |
|
| Kutsiva ndokwangu, nokutsividza, Panguva yokutedzemuka kwetsoka dzavo; Nokuti zuva renjodzi yavo riri pedyo, Nezvinhu zvichavawira zvichakurumidza kuuya. |
|
| 36 |
|
| Nokuti Jehovha uchachenura vanhu vake, Nokunzwira varanda vake tsitsi, Kana achiona kuti simba ravo raenda, Uye kuti vapera vose, |
|
| 37 |
|
| Zvino iye uchati, “Vamwari vavo varipiko, Nedombo ravakanga vachivimba naro?” |
|
| 38 |
|
| Ivo vaidya mafuta ezvibairo zvavo, Vainwa waini yezvipiriso zvavo zvinodururwa. Ngavasimuke, vakubatsirei, Ngavave utiziro hwenyu. |
|
| 39 |
|
| Tarirai zvino, muone kuti ndini iye, Hakuno mumwe mwari pamwechete neni; Ini ndinouraya, ini ndinoraramisa; Ini ndakakuvadza, ini ndinoporesa; Hakuna ungarwirwa paruoko rwangu. |
|
| 40 |
|
| Nokuti ndinosimudzira ruoko rwangu kudenga, Ndichiti, “Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi, |
|
| 41 |
|
| Kana ndarodza munondo wangu unobwinya, Noruoko rwangu rukabata kutonga, Ndichatsiva vavengi vangu, Nokutsividza vanondivenga. |
|
| 42 |
|
| Ndichanyudza miseve yangu muropa, Munondo wangu uchadya nyama; Neropa ravakaurayiwa neravakatapwa, Neremisoro yavatungamiri vavavengi. |
|
| 43 |
|
| Farai, imi ndudzi, pamwechete navanhu vake, Nokuti uchatsiva ropa ravaranda vake, Nokutsividza vavengi vake, Nokudzikinura nyika yake navanhu vake.” |
|
| 44 |
|
| Zvino Mosesi akauya ndokutaura mashoko ose orwiyo urwu vanhu vachizvinzwa, iye naHoshea, mwanakomana waNuni. |
|
| 45 |
|
| Mosesi akapedza kutaura mashoko awa ose kuVaIsiraeri vose; |
|
| 46 |
|
| akati kwavari, “Tererai nemwoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi, kuti muraire vana venyu, vagochenjera kuita mashoko ose omurairo uyu. |
|
| 47 |
|
| Nokuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu hwenyu; nechinhu ichi muchawedzera mazuva enyu panyika, yamunoyambuka Jodhani kwairi, kuti ive yenyu.” |
|
| 48 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMosesi nomusi iwoyo, akati, |
|
| 49 |
|
| “Kwira pagomo iri reAbharimu, kugomo reNebho, riri panyika yaMoabhu, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKenani, yandinopa vana VaIsiraeri, ive yavo; |
|
| 50 |
|
| ufire pagomo raunokwira, ugosanganiswa navanhu vako; sezvakafa Aroni, mukuru wako, pagomo reHori, akasanganiswa navanhu vake; |
|
| 51 |
|
| nokuti makaita nomutoo usina kutendeka kwandiri pakati pavana VaIsiraeri pamvura yeMeribha paKadheshi murenje reZini; nokuti hamuna kunditsaura pakati pavana VaIsiraeri. |
|
| 52 |
|
| Nokuti uchaona hako nyika pamberi pako, asi haungapindipo panyika yandinopa vana VaIsiraeri.” |
|
|
|
|