×

Shona SUB Bible 2002

Dheuteronomio 34

1
Zvino Mosesi wakabva pamapani okwaMoabhu, akakwira kugomo reNebho, pamusoro pePisiga, pakatarisana neJeriko. Jehovha akamuratidza nyika yose yeGiriadhi, kusvikira Dhani;
2
neNafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha, kusvikira pagungwa rokumavirazuva;
3
nenyika yezasi, neBani romupata weJeriko, guta remichindwe, kusvikira Zoari.
4
Zvino Jehovha akati kwaari, “Ndiyo nyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ‘Ndichaipa vana vako; ndikakuonesa iyo nameso ako, asi haungapindimo.’ ”
5
Ipapo Mosesi muranda waJehovha akafirapo panyika yaMoabhu, sezvakataurwa naJehovha.
6
Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti–peori; asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi.
7
Zvino Mosesi wakanga ana makore ane zana namakumi maviri pakufa kwake; meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera.
8
Vana VaIsiraeri vakachema Mosesi pamapani okwaMoabhu mazuva ana makumi matatu; naizvozvo mazuva avakachema pakuchema Mosesi akapera.
9
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mosesi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana VaIsiraeri vakamuteerera, vakaita sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
10
Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMosesi, wakanga achizikanwa naJehovha, zviso zvakatarisana;
11
pazviratidzo zvose nezvishamiso, paakatumwa naJehovha kundozviita panyika yeIjipiti, kuna Farao, nokuvaranda vake vose, nokunyika yake yose;
12
napazvose zvakaitwa noruoko rwake rune simba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMosesi VaIsiraeri vose vachizviona.
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa