|
| 1 |
|
| Iyi ndiyo mitemo, nemirayiro zvandakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei kuti muzviite munyika yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu, |
|
| 2 |
|
| kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama. |
|
| 3 |
|
| Chinzwa, iwe Israeri, uchenjere kuti uzviite kuiitira kuti zvikunakire uye kuti muwande kwazvo munyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu. |
|
| 4 |
|
| Chinzwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu, ndiJehovha mumwe chete. |
|
| 5 |
|
| Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose. |
|
| 6 |
|
| Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. |
|
| 7 |
|
| Uzvisimbisise kuvana vako. Taura pamusoro payo kana ugere mumba mako uye kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi uye kana uchimuka. |
|
| 8 |
|
| Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu. |
|
| 9 |
|
| Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu. |
|
| 10 |
|
| Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi, |
|
| 11 |
|
| dzimba dzizere nezvinhu zvakanaka zvamarudzi ose zvamusina kutsvaka imi, matsime amusina kuchera, minda yemizambiringa namasango nemiti yemiorivhi yamusina kusima, zvino kana muchinge madya uye mukaguta, |
|
| 12 |
|
| muchenjerere kuti murege kukanganwa Jehovha, akakubudisai kubva muIjipiti, kubva munyika youranda. |
|
| 13 |
|
| Itya Jehovha Mwari wako, ushumire iye oga ugoita mhiko dzako muzita rake. |
|
| 14 |
|
| Musatevera vamwe vamwari, vamwari vamarudzi akakupoteredzai; |
|
| 15 |
|
| nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika. |
|
| 16 |
|
| Musaedza Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita paMasa. |
|
| 17 |
|
| Chenjererai kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezvaakatema nemitemo yaakakupai. |
|
| 18 |
|
| Itai zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuitira kuti zvigokunakirai uye mugopinda nokutora nyika yakanaka iyo Jehovha akavimbisa nemhiko kumadzitateguru enyu, |
|
| 19 |
|
| agoparadza vavengi venyu vose pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha. |
|
| 20 |
|
| Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu inorevei?” |
|
| 21 |
|
| Umuudze kuti, “Takanga tiri varanda vaFaro muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba. |
|
| 22 |
|
| Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo uye zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose. |
|
| 23 |
|
| Asi akatibudisamo kuti atipinze nokutipa nyika yaakavimbisa nemhiko kumadzibaba edu. |
|
| 24 |
|
| Jehovha akatirayira kuti titeerere mitemo iyi yose nokutya Jehovha Mwari wedu, kuitira kuti tibudirire nguva dzose nokurarama sezvatakaita nhasi. |
|
| 25 |
|
| Uye kana tichichenjerera kuteerera murayiro uyu wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatirayira, ndiko kuchava kururama kwedu.” |
|
|
|
|