|
| 1 |
|
| “Izvi ndizvo zvirevo nemitemo nemirao yandakataurirwa naTenzi Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei mugoichengeta munyika yamava kuyambukira kundotora. |
|
| 2 |
|
| Ndinodaro kuitira kuti muremekedze Tenzi Mwari wenyu. Imi navana venyu navazukuru venyu ndinokuudzai kuti muchengete mitemo nemirao yake yose, mazuva ose oupenyu hwenyu kuti mazuva enyu awande. |
|
| 3 |
|
| Saka imi vaIsiraeri iteererei muichengete, kuti zvikunakirei, muwande zvakanyanya munyika yakanaka yomukaka nouchi sokuvimbisa kwamakaitwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu. |
|
| 4 |
|
| “Teerera unzwe iwe Isiraeri. Tenzi Mwari wedu ndiye Mwari oga. |
|
| 5 |
|
| Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. |
|
| 6 |
|
| Mitemo iyoyi yandinokuudza nhasi ngaigare mumwoyo mako. |
|
| 7 |
|
| Nyatsoidzidzisa vana vako. Uitaure wataurazve ugere mumba mako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge urere pasi, napaunomuka. |
|
| 8 |
|
| Uisungirire paruoko rwako chive chiratidzo, uisungirirewo pahuma yako netsungare. |
|
| 9 |
|
| Inyore pamagwatidziro emba yako napamisuo yako mikuru. |
|
| 10 |
|
| “Tenzi Mwari wako paachazenge akuunza munyika yaakatsidzira kumadzibaba ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho kuzokupa nyika ina maguta makuru akanaka amusina kumbovaka |
|
| 11 |
|
| ane dzimba dzizere zvinhu zvakanaka, zvausina kuisamo, namatsime ausina kumbochera, neminda yemagirepisi neyemiorivhi yausina kumbosima, wadya zvokuguta, |
|
| 12 |
|
| chenjerera kuti urege kukanganwa Tenzi akakubudisa munyika yeIjipiti kwamaiva muuranda. |
|
| 13 |
|
| Remekedza Tenzi Mwari wako, umushandire, upike nezita rake. |
|
| 14 |
|
| Usatevere vamwe vamwari, kana vamwari vendudzi dzavanhu vagere munharaunda yako, |
|
| 15 |
|
| nokuti Tenzi Mwari wako ndiMwari weshanje. |
|
| 16 |
|
| “Usaedze Tenzi Mwari wako sezvawakamboita kuMasa. |
|
| 17 |
|
| Unofanira kunyatsochengeta mitemo yaTenzi Mwari wako, nechitenderano chake, nemirao yaakakupa. |
|
| 18 |
|
| Zvinonzi naTenzi zvakarurama nezvakanaka, ndizvo zvaunofanira kuita, kuti zvikufambire zvakanaka, ukwanise kundotora nyika yakanaka yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru ako, |
|
| 19 |
|
| nokukudzingira vavengi vako sokuvimbisa kwaakaita. |
|
| 20 |
|
| “Panguva ichauya kana mwana wako ozokubvunza achiti, ‘Ko zvakambouya seiko kuti tive nechitenderano nemitemo nemirao yamakapiwa naTenzi Mwari wenyu?’ |
|
| 21 |
|
| Ipapo uchamutaurira kuti, ‘Taiva varanda vaFarao muIjipiti ndokubva Tenzi atiburitsa muIjipiti nesimba guru, |
|
| 22 |
|
| Tenzi, akaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvairwadza vaIjipiti naFarao nemhuri yake yose tichizviona. |
|
| 23 |
|
| Akatiburitsamo kuti atiunze nokutipa nyika yaakatsidzira madzibaba edu. |
|
| 24 |
|
| Saka Tenzi akatiudza kuchengeta mirao iyoyi yose, nokuremekedza Tenzi Mwari wedu kuti zvitinakire nguva dzose, uye kuti atichengete tiri vapenyu sezvatiri iye nhasi uno. |
|
| 25 |
|
| Kwatiri isu ndohuchava ururami kana tikanyatsochengeta mitemo iyoyi yose pana Tenzi Mwari wedu sokutiudza kwaakaita.’ |
|
|
|
|