|
| 1 |
|
| “Murairo wose wandinokuraira nhasi munofanira kuchenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, muiite yenyu. |
|
| 2 |
|
| Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumwoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete. |
|
| 3 |
|
| Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana yawakanga usingazivi, kunyangwe madzibaba ako akanga asingaziviwo; kuti akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha. |
|
| 4 |
|
| Nguo dzako hadzina kukusakarira, netsoka dzako hadzina kuzvimba makore awa makumi mana. |
|
| 5 |
|
| Funga mumwoyo mako, kuti Jehovha Mwari wako unokuranga somunhu unoranga mwanakomana wake. |
|
| 6 |
|
| Unofanira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya. |
|
| 7 |
|
| Nokuti Jehovha Mwari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo; |
|
| 8 |
|
| nyika ine zviyo, nebhari, nemizambiringa, nemionde, nemitamba; nyika yemiorivhi ina mafuta, nouchi; |
|
| 9 |
|
| nyika yauchadya chingwa, usingashaiwi, kwausingatongoshaiwi chinhu; nyika ina mabwe emhangura, napamakomo ayo uchachera ndarira. |
|
| 10 |
|
| Uchadya ukaguta, ukavonga Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa. |
|
| 11 |
|
| “Chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako, ukasachengeta mirairo yake, nezvaakatonga, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; |
|
| 12 |
|
| kuti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri, |
|
| 13 |
|
| nemombe dzako namakwai ako akawanda, nesirivha yako nendarama yako ikawanda, nezvose zvaunazvo zvikawanda, |
|
| 14 |
|
| mwoyo wako ukazvikudza, ukakanganwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeIjipiti paimba youranda; |
|
| 15 |
|
| iye wakakufambisa murenje guru rinotyisa, makanga mune nyoka dzinopenga nezvinyavada, nevhu rakaoma risina mvura; iye wakakubudisira mvura padombo romusarasara; |
|
| 16 |
|
| wakakugutsa murenje nemana, yakanga isina kuzikanwa namadzibaba ako, kuti akuninipise akuidze, kuti akuitire zvakanaka pakupedzisira; |
|
| 17 |
|
| kuti urege kuzoti mumwoyo mako, ‘Simba rangu nokugona kworuoko rwangu ndizvo zvakandiwanisa pfuma iyi.’ |
|
| 18 |
|
| Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokupfuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi. |
|
| 19 |
|
| Zvino kana ukakanganwa Jehovha Mwari wako, ukatevera vamwe vamwari, ukavashumira, ukanamata kwavari, ndinokupupurirai nhasi kuti muchaparadzwa zvirokwazvo. |
|
| 20 |
|
| Imi muchaparadzwa sendudzi dzinoparadzwa naJehovha pamberi penyu; nokuti makaramba kuteerera izwi raJehovha Mwari wenyu. |
|
|
|
|