|
| 1 |
|
| “Inzwa, iwe Isiraeri, nhasi unofanira kuyambuka Jodhani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuura paukuru nesimba, dzive dzako, namaguta makuru ana masvingo anosvika kudenga, |
|
| 2 |
|
| navanhu vakuru varefu, vana vaAnaki, vaunoziva, vawakanzwa zvichinzi, ‘Ndianiko ungamira pamberi pavana vaAnaki?’ |
|
| 3 |
|
| Naizvozvo uzive nhasi kuti Jehovha Mwari wako ndiye unokutungamirira somoto unoparadza; iye uchavaparadza, iye uchavakunda pamberi pako; naizvozvo iwe uchavadzinga, nokuvaparadza nokukurumidza, sezvawakaudzwa naJehovha. |
|
| 4 |
|
| “Zvino kana Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumwoyo mako, uchiti, ‘Jehovha wakandipinza munyika ino ive yangu, nokuda kwokururama kwangu; nokuti Jehovha unodzinga ndudzi idzi nokuda kwokuipa kwavo.’ |
|
| 5 |
|
| Haupindi munyika yavo, kuti ive yako, nokuda kwokururama kwako, kana nokuda kwokururama kwomwoyo wako; asi Jehovha Mwari wako unodzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwavo, uye kuti asimbise shoko rakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuna Abhurahamu, nokuna Isaka, nokuna Jakobho. |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka ive yako, nokuda kwokururama kwako; nokuti uri rudzi rune mitsipa mikukutu. |
|
| 7 |
|
| “Rangarira, usakanganwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro munyika yeIjipiti kudzimara masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha. |
|
| 8 |
|
| NapaHorebhu makatsamwisa Jehovha, Jehovha akakutsamwirai, akada kukuparadzai. |
|
| 9 |
|
| Nguva yandakakwira pagomo kundogamuchira mahwendefa amabwe, iwo mahwendefa esungano, yaakaita iye Jehovha nemi, ndakagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kunwa mvura. |
|
| 10 |
|
| Zvino Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, akanga akanyorwa nomunwe waMwari; pamusoro pavo pakanga pakanyorwa mashoko ose akanga ataurwa kwamuri naJehovha pagomo, ari mukati momoto nomusi weungano. |
|
| 11 |
|
| Zvino mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana zvakati zvapera, Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, iwo mahwendefa esungano. |
|
| 12 |
|
| “Zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Simuka, kurumidza kuburuka pano, nokuti vanhu vako vawakabudisa muIjipiti, vazvitadzira; vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira; vazviitira mufananidzo wakaumbwa.’ |
|
| 13 |
|
| Uye Jehovha akataura neni, akati, ‘Ndaona rudzi urwu, tarira, rudzi rune mitsipa mikukutu; |
|
| 14 |
|
| ndirege, ndivaparadze, ndidzime zita ravo pasi pedenga, ndikuite iwe rudzi runovapfuura nesimba noukuru.’ |
|
| 15 |
|
| “Naizvozvo ndakadzoka, ndikaburuka pagomo, gomo rikapfuta nomoto; zvino mahwendefa maviri esungano akanga ari mumaoko angu maviri. |
|
| 16 |
|
| Ndikatarira, ndikaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira mhuru yakaumbwa; makanga makurumidza kutsauka panzira yamakanga marairwa naJehovha. |
|
| 17 |
|
| Ndikabata mahwendefa maviri, ndikaarashira pasi muchizviona. |
|
| 18 |
|
| Ndikawira pasi pamberi paJehovha, sapakutanga, mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kunwa mvura, nokuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakanga matadza, muchiita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa. |
|
| 19 |
|
| Nokuti ndakatya hasha nokutsamwa kukuru, kwamakatsamwirwa nako naJehovha, nokuti wakanga achida kukuparadzai. Asi Jehovha akandinzwawo nenguva iyo. |
|
| 20 |
|
| Jehovha akanga ane shunguwo kwazvo naAroni, akada kumuparadza, ndikanyengeterera Aroni nenguva iyo. |
|
| 21 |
|
| Ndikatora zvivi zvenyu, iyo mhuru iya yamakanga maumba, ndikaipisa nomoto, ndikaipwanya, nokuikuya kwazvo, kusvikira yatsetseka seguruva; ndikakandira guruva rayo murukova rwakanga ruchibva mugomo. |
|
| 22 |
|
| NapaTabherawo, napaMasa, napaKibhiroti–hatava makatsamwisa Jehovha. |
|
| 23 |
|
| Nenguva yamakatumwa naJehovha kuti mubve paKadheshi–bhania, achiti, ‘Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, ive yenyu,’ makamukira murairo waJehovha Mwari wenyu, mukasamutenda, nokusaterera izwi rake. |
|
| 24 |
|
| Makaramba muchimukira Jehovha kubva pazuva randakatanga kukuzivai. |
|
| 25 |
|
| “Zvino ndikawira pasi pamberi paJehovha mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana, ndiyo nguva yandakawira pasi; nokuti Jehovha akati, ‘Ndichakuparadzai.’ |
|
| 26 |
|
| Zvino ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati, ‘Haiwa, Jehovha Mwari, musaparadza henyu vanhu venyu nenhaka yenyu, vamakadzikinura noukuru hwenyu, vamakabudisa muIjipiti neruoko rune simba. |
|
| 27 |
|
| Rangarirai varanda venyu, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho; musatarira kusindimara kwavanhu ava, kana kuipa kwavo, kana zvivi zvavo; |
|
| 28 |
|
| kuti nyika kwamakatibudisa,’ irege kuzoti, ‘Jehovha akavabudisa akavaurayira murenje, nokuti wakanga asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nokuti wakanga achivavenga.’ |
|
| 29 |
|
| Kunyangwe zvakadaro rudzi rwenyu nenhaka yenyu, rwamakabudisa nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa. |
|
|
|
|