|
| 1 |
|
| Ndini Pauro naTimoti varanda vaKristu Jesu ndinokunyorerai imi mose vatsvene muna Kristu Jesu vari kuFiripi namabhishopi namadhikoni. |
|
| 2 |
|
| Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha vakupei rugare. |
|
| 3 |
|
| Ndinotenda Mwari wangu pose pandinokufungai uye nguva dzose |
|
| 4 |
|
| pose pandinokunamatirai mose, ndichikunamatirai nomufaro |
|
| 5 |
|
| ndichitenda Mwari norubatsiro rwenyu muShoko Rakanaka, kubvira pazuva rokutanga kusvikira pari nhasi. |
|
| 6 |
|
| Ndine chokwadi chokuti iye akatangisa basa iri rakanaka mamuri, acharipedzisa pazuva raKristu Jesu. |
|
| 7 |
|
| Munogara muri mumwoyo mangu mose zvenyu. Naizvozvo zviri pamwerowo kuti ndifunge kudai nezvenyu nokuti tinogoverana nyasha muusungwa hwangu uye mukurwira kusimbisa Shoko Rakanaka. |
|
| 8 |
|
| Mwari angatondipupurirawo kuti ndinokusuwai sei mose ndiine rudo runa Kristu Jesu. |
|
| 9 |
|
| Chandinokunamatirai ndechokuti dai rudo rwenyu rwangoramba rwuchifashukira kuwanda muine ruzivo nechipo chokugona kuona zvinhu nemazvo |
|
| 10 |
|
| kuti mukwanise kusarudza chakanakisisa uye kuti muve vatsvene vasina chinoshoreka pamuri pazuva raKristu, |
|
| 11 |
|
| makazadzwa nemichero yoururami inouya nokuna Jesu Kristu zvichipa mbiri norukudzo kuna Mwari. |
|
| 12 |
|
| Hama dzangu ndingade kuti muzive kuti zvakaitika kwandiri zvakatobatsira kuenderera mberi kweShoko Rakanaka |
|
| 13 |
|
| zvokuti zvavakutozivikanwa nevokuchengetedza mumuzinda navamwe vose kuti kuva mujeri kwangu, pamusana paKristu. |
|
| 14 |
|
| Kuva mujeri kwangu kwakapa kuti ruzhinji rwevehama ruve nechivindi muna Tenzi uye vatova vanhu vasingambokatari zvavo kutaura Shoko raMwari. |
|
| 15 |
|
| Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu pamusana peshanje uye zvamakakatanwa asi vamwe vanozviita nemwoyo wakanaka. |
|
| 16 |
|
| Ava vanozviita pamusana perudo vachiziva kuti ini ndiripo kurwira Shoko Rakanaka. |
|
| 17 |
|
| Vamwe ava vanoparidza Kristu nomwoyo wokungozvifunga ivo pachavo kwete nokutendeka, asi vachida kundirwadzisa ndiri mujeri. |
|
| 18 |
|
| Hazvinei hazvo. Chiripo chete ndechokuti Kristu anoparidzwa nenzira dzakawanda, dzingave nzira kwadzo kana dzisina kunaka asi Kristu ari kuparidzwa. Izvozvo ndizvo zvinondifadza zvikuru. Aiwa! Zvinofadza kwazvo |
|
| 19 |
|
| nokuti ndinoziva kuti neminamato yenyu uye norubatsiro rwaMweya waJesu Kristu ndichanunurwa. |
|
| 20 |
|
| Chido changu nechitarisiro changu ndechokuti ndirege kumbofa ndakanyara asi ndive nechivindi chizere zvino uye samazuva ose Kristu acharumbidzwa mumuviri wangu noupenyu hwangu kana norufu rwangu |
|
| 21 |
|
| nokuti kwandiri kurarama kwangu ndiKristu; kufa kupfuma. |
|
| 22 |
|
| Dai kuri kuti ndinoramba ndiri mupenyu ndingatoita basa rine chimuko. Zvino chokuti ndisarudze ipapa ndachishaya. |
|
| 23 |
|
| Ndakamanikwa pakati pazvo. Chido changu ndechokuti ndibve ndiende kuti ndindova naKristu nokuti ndizvo zvinotova nani kwazvo. |
|
| 24 |
|
| Asiwo kuva mupenyu kunotodikanwa zvikuru pamusana penyu. |
|
| 25 |
|
| Ndine chokwadi nezvizvi zvokuti ndichange ndiripo ndigoenderera mberi ndinemi mose kuti mukwanise kufambira mberi muine rufaro muchitendero chenyu |
|
| 26 |
|
| kuti muwane chikonzero chokupa mbiri kuna Kristu Jesu pamusana pangu nokuti ndiri kuuyazve kwamuri. |
|
| 27 |
|
| Chete, mugariro wenyu ngaufambirane neShoko raKristu, kuitira kuti kunyange ndikauya ndichizokuonai kana kuti ndisiko zvangu ndinzwe kuti makamira zvakasimba muine mwoyo nepfungwa imwecheteyo muchiita chirwirangwe pachitendero cheShoko Rakanaka. |
|
| 28 |
|
| Mune chii nechii zvacho musatye mhandu dzenyu. Ichi chinobva chava chiratidzo chokuparadzwa kwavo asi chiri chiratidzo chokununurwa kwenyu chinobva kuna Mwari. |
|
| 29 |
|
| Chikonzero ndechokuti pamusana paKristu makapiwa, kwete kuti mungodavira chete maari, asi kuti mumutambudzikirewo. |
|
| 30 |
|
| Tiri muhondo imwecheteyo yamakandiona ndichirwa uye yamunonzwa kuti ndichiri kungorwisa. |
|
|
|
|