|
| 1 |
|
| Naizvozvo hama dzangu dzandinoda dzandinosuwa, ndimi rufaro rwangu nechidadiso changu. Rambai makasimba muna Tenzi saizvozvo, hama dzangu dzapamwoyo. |
|
| 2 |
|
| Ndinokukumbirisai imi vaYuodia navaSindike kuti munzwanane muna Tenzi. |
|
| 3 |
|
| Hongu ndinokumbirawo, iwe mumwe wangu akatendeka kuti ubatsire madzimai aya nokuti vakashanda pamwechete neni mubasa reShoko Rakanaka pamwechetewo naKeremendi navamwe vose vandaishanda navo vana mazita ari mubhuku roupenyu. |
|
| 4 |
|
| Farai kwazvo nguva dzose muna Tenzi. Ndinotizve farai kwazvo. |
|
| 5 |
|
| Vanhu vose ngavazive kuva nemwoyo wakanaka kwenyu. Tenzi wava pedyo. |
|
| 6 |
|
| Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda. |
|
| 7 |
|
| Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu. |
|
| 8 |
|
| Pokupedzisira hama dzangu, chinhu chose chinenge chiri chechokwadi kana chinoremekedzeka kana chakarurama kana chitsvene chose nechinoyevedza kana chinoyemurika nechino runako rwakanyanya kwazvo kana chinorumbidzika, nyatsozvidzamisai izvozvo mundangariro dzenyu. |
|
| 9 |
|
| Itai zvamakadzidza mukagamuchira nokunzwa nokuona mandiri. Mwari worugare achava nemi. |
|
| 10 |
|
| Ndinofara zvikuru kwazvo muna Tenzi kuti zvazoitika zvino kuti mazondifungazve. Maindirangarira zvenyu asi makanga musina kuwana mukana wacho. |
|
| 11 |
|
| Handisi kutaura izvi pamusana pokushaya chokubata nokuti ini ndakadzidza kugutsikana namamiriro anenge akaita zvinhu kwandiri. |
|
| 12 |
|
| Ndinoziva kuva murombo, ndinozivawo chinonzi kupfuma. Mune chipi nechipi uye muna zvose ndakadzidza kuva nezvakawanda nokuva nenzara, kuva nezvakawandisisa nokuva noushai. |
|
| 13 |
|
| Ndinogona kuita zvinhu zvose maari iye anondisimbisa. |
|
| 14 |
|
| Asi imi makaita zvakanaka kwazvo pamakabatana neni mumatambudziko angu. |
|
| 15 |
|
| Imi vanhu veFiripi, sokuziva kwenyu, imi pachenyu, kuti pakutangisa kweShoko Rakanaka, pandakabva kuMasedhonia, hakuna rimwe sangano rakabatana neni ndichiita kandiro enda kandiro dzoka navo kusiya imi moga. |
|
| 16 |
|
| Kunyange kuTesaronika makanditumira rubatsiro kaviri kose. |
|
| 17 |
|
| Hakusi kuti kungoda zvipo asi kuti ndinoda muchero unowedzerwa kwamuri. |
|
| 18 |
|
| Makandiripa zvizere uye zvakapfuurikidza. Ndava nezvose pandadai kugamuchira kuna Epafurodhitusi zvipo zvamakanditumira, mupiro chaiwo, chibayiro chinogamuchirika chinofadza Mwari. |
|
| 19 |
|
| Mwari wangu achakupai zvose zvamunenge musina maererano noupfumi hwake husingatauriki muna Kristu Jesu. |
|
| 20 |
|
| Mwari wedu naBaba ngavarumbidzwe narini narini. Ameni. |
|
| 21 |
|
| Ndikwazisirei vatendi vose muna Kristu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai. |
|
| 22 |
|
| Vatendi vose vanokukwazisai asi zvikuru vemba yaSiza. |
|
| 23 |
|
| Jesu Kristu ngaakuitirei mose nyasha. |
|
|
|
|