|
| 1 |
|
| Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti, hama yedu, |
|
| 2 |
|
| kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu vari paKorose: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kuna Mwari; baba vedu. |
|
| 3 |
|
| Tinovonga Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nguva dzose kana tichikunyengetererai, |
|
| 4 |
|
| zvatakanzwa zvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu, norudo rwamunarwo kuvatsvene vose, |
|
| 5 |
|
| pamusoro petariro yamakachengeterwa kudenga, yamakanzwa kare pashoko rechokwadi reVhangeri; |
|
| 6 |
|
| iyo yakasvika kwamuri, sezvayakasvika panyika yosewo; ichibereka zvibereko, ichikura, sezvainoita kwamuriwo, kubvira pazuva ramakanzwa nokuziva kwazvo nyasha dzaMwari muchokwadi; |
|
| 7 |
|
| sezvamakadzidza kuna Epafirasi, muranda pamwechete nesu, anodikanwa, mushumiri akatendeka waKristu nokuda kwenyu, |
|
| 8 |
|
| iye akatiudzawo zvorudo rwenyu muMweya. |
|
| 9 |
|
| Saka nesuo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya; |
|
| 10 |
|
| kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo; |
|
| 11 |
|
| muchisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, muve nomwoyo murefu, nomufaro; |
|
| 12 |
|
| muvonge baba, vakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yavatsvene muchiedza; |
|
| 13 |
|
| vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muushe hwoMwanakomana worudo rwavo; |
|
| 14 |
|
| watine dzikinuro maari, ndiko kukanganwirwa kwezvivi zvedu. |
|
| 15 |
|
| Ndiye mufananidzo waMwari usingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose; |
|
| 16 |
|
| nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zvoushe, kana ushe, kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake. |
|
| 17 |
|
| Ndiye anotangira zvose, zvose zvakabatana maari. |
|
| 18 |
|
| Ndiye musoro womuviri, ndiyo sangano; ndiye wokutanga, dangwe ravakamuka kuvakafa; kuti iye ave mukuru pazvinhu zvose. |
|
| 19 |
|
| Nokuti Baba vakafara nazvo, kuti kuzara kwose kugare maari, |
|
| 20 |
|
| kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa rake rakaparadzirwa romuchinjikwa naiye, kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga. |
|
| 21 |
|
| Nemiwo, kare maiva vaeni navavengi pakufunga kwenyu pamabasa enyu akaipa, |
|
| 22 |
|
| asi zvino wakakuyananisai nomuviri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, musina mhosva, musingapomerwi, |
|
| 23 |
|
| kana muchingorambira pakutenda makateyiwa, mumire makasimba, musingabviswi patariro yeVhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga; iyo Vhangeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro. |
|
| 24 |
|
| Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamadambudziko aKristu, nokuda kwomuviri wake, iro sangano; |
|
| 25 |
|
| iro randakaitwa mushumiri waro sezvandakagoverwa naMwari pamusoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMwari; |
|
| 26 |
|
| ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake; |
|
| 27 |
|
| kuna ivo Mwari waakada kuvazivisa upfumi hwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedheni, chokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubwinya; |
|
| 28 |
|
| iye watinoparidza isu, tichirayira munhu mumwe nomumwe, tichidzidzisa munhu mumwe nomumwe nouchenjeri hwose, kuti tiise munhu mumwe nomumwe akakwana muna Kristu; |
|
| 29 |
|
| ndizvo zvandinobatirawo, ndichirwa, zvichiitwa nokubata kwake kunobata mukati mangu nesimba. |
|
|
|
|