|
| 1 |
|
| Ndingade ini kuti imi novokuRaodhesia navamwe vose vasati vandiona uso nouso, muzive kuti ndinokutamburirai zvakakura sei. |
|
| 2 |
|
| Ndinoita izvi kuti vakurudzirwe mwoyo vari murudo kuti vawane upfumi hwose hwokunzwisisa hunogadzanisa mwoyo uye kuti vawane ruzivo rwechakavandika chaMwari zvichireva iye Kristu. |
|
| 3 |
|
| Maari ndimo mune upfumi hwose hwoungwaru noruzivo zvakavandika. |
|
| 4 |
|
| Ndinodaro kuti pasave nomunhu anokunyengedzai namashoko anotapira |
|
| 5 |
|
| nokuti kunyange zvangu ini mbune ndisiko ikoko asi ndinemi mumwoyo, ndichifarira kuona kuzvibata kwenyu nokusimbarara kwechitendero chenyu muna Kristu. |
|
| 6 |
|
| Sezvo makagamuchira Kristu Jesu Tenzi naizvozvo fambai maari, |
|
| 7 |
|
| mudzike midzi maari makavakwa paari makanyatsosimba kumira muchitendero sokudzidziswa kwamakaitwa muchiwanzotenda. |
|
| 8 |
|
| Ngwarirai kuti pasave nomunhu anokuitai chinhu chokutamba nacho achisevenzesa ungwaru nounyengedzi husina maturo achitevedza magamuchidzanwa avanhu uye achitevedza zvemweya yapanyika asingatevedzi zvaKristu. |
|
| 9 |
|
| Chikonzero ndechokuti umwari huzere hunogara maari sechinhu chaicho. |
|
| 10 |
|
| Maari, imi makauya kuupenyu huzere, kuna iye mutongi wavatongi nomukuru wavakuru — vakuru. |
|
| 11 |
|
| Mukudzingiswa kwaKristu maari imi makadzingisawo, kwete nokudzingiswa kwakaitwa namaoko muchibvisa muviri wenyama mukudzingiswa kwaKristu. |
|
| 12 |
|
| Makavigwa pamwechete naye mukuombekwa, imomo makamuka naye pamusana pechitendero chenyu mukushanda kunoita Mwari akamumutsa kuvafi. |
|
| 13 |
|
| Imi makanga makafa pamusana pezvikanganiso zvenyu nokusadzingiswa kwenyama yenyu, Mwari akaita kuti tive vapenyu pamwechete naye, iye atiregerera zvikanganiso zvedu zvose. |
|
| 14 |
|
| Izvozvo ainge adzima chiga chemhosva yakanga yakanangana nesu nomutemo waitiroverera, iwoyu akaubvisa akauroverera pamuchinjikwa. |
|
| 15 |
|
| Akabvutira veukuru ukuru vaya namadzishe aya zvombo zvavo zvokurwisa achivaita ivo muenzaniso unoonekwa nani nani zvake achivakurira pachiri. |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo musave nomunhu anokutongerai munezvokudya, kana zvokunwa, kana mune zvamazuva makuru, kana zvokugara kwomwedzi kana nezveSabata. |
|
| 17 |
|
| Izvi zvinongova mubvuri zvawo wezvichauya asi zvinhu chaizvoizvo zvinhu zvina Kristu. |
|
| 18 |
|
| Musabvumire munhu kuti akutii hamukodzeri pamusana pokuvavaridza panyaya dzokuzvirwadzisa kana kunamata vatumwa achiti anoona zviratidzo achinyunduma zvisina musoro nepfungwa dzamanyawi chete asingasimbi |
|
| 19 |
|
| nokubatirira kumusoro unopa muviri wose chokudya uye unoubatanidza nenhengo namarunda unokura uchikuriswa naiye Mwari. |
|
| 20 |
|
| Kana makafa pamwechete naKristu kunezvemweya yenyika munogarirei sokunge muri venyika, munozviisirei pasi pemitemo inoti, |
|
| 21 |
|
| “Zvinoera kugunzwa ichi,” “Zvinoera kuravira ichi,” “Zvinoera kubata icho?” |
|
| 22 |
|
| Izvozvo vachitaura nezvezvinhu zvinopera pazvinoshandiswa muchitevera mirau nezvidzidziso zvavanhu. |
|
| 23 |
|
| Izvi zvinotarisika soungwaru mukuzviomesera kwavanoita pakunamata kwavo vachizvininipisa uye kuzvirwadzisa kwavanoita muviri asi zvisina chazvinobatsira pakudzora munhu pahavi dzomuviri wake. |
|
|
|
|