|
| 1 |
|
| Nokuti ndinoda kuti muzive kurwa kukuru kwandinako pamusoro penyu, navari paRaodhikia, navose vasina kumboona chiso changu panyama; |
|
| 2 |
|
| kuti mwoyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nepfuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu; |
|
| 3 |
|
| maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwa. |
|
| 4 |
|
| Ndinoreva izvi, kuti kurege kuva nomunhu anokurashai namashoko anonyengera. |
|
| 5 |
|
| Nokuti kunyangwe ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichiona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu muna Kristu. |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari, |
|
| 7 |
|
| mune midzi yenyu nokuvakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, sezvamakadzidziswa, muchinyanya kuvonga. |
|
| 8 |
|
| Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu. |
|
| 9 |
|
| Nokuti kuzara kwohuMwari kunogara maari pamuviri. |
|
| 10 |
|
| Maari nemiwo makazadzwa, iye musoro wavabati vose namasimba; |
|
| 11 |
|
| iye wamakadzingiswawo maari nokudzingiswa kusingaitwi namaoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu; |
|
| 12 |
|
| makavigwa pamwechete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswawo pamwechete naye nokutenda kwenyu simba raMwari akamumutsa kuvakafa. |
|
| 13 |
|
| Nemi, imi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai upenyu pamwechete naye, akatikanganwira kudarika kwedu kwose, |
|
| 14 |
|
| akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa; |
|
| 15 |
|
| akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri. |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo anokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana paSabata; |
|
| 17 |
|
| izvi mumvuri wezvichauya; asi muviri ndowaKristu. |
|
| 18 |
|
| Munhu ngaarege kuvapo anokutorerai mubairo wenyu namawune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakaona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama, |
|
| 19 |
|
| asingabatisisi Musoro, uyo, maari muviri wose unosimbiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari. |
|
| 20 |
|
| Zvino kana makafa pamwechete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirairo, somugere munyika? |
|
| 21 |
|
| Mirairo inoti, “Usabata,” “Usaravira,” “Usagunzva.” |
|
| 22 |
|
| Izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo; muchitevera mirairo nedzidziso dzavanhu? |
|
| 23 |
|
| Zvinhu zvakadai zvakaita sezvino uchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvina simba rokukunda kuchiva kwenyama. |
|
|
|
|